Isaya 62
62
Nhetembo yechipiri yomukurumbira weguta reJerusaremu ramangwana
1Pamusana peZioni,
handimbonyarara kutaura.
Pamusana peguta reJerusaremu
handimbozorora
kusvikira kupembedzwa kwaro
kwajeka sechiedza,
ruponeso rwaro
rwanyatsovhenekera semwenje.
2Marudzi avanhu achaona
kupembedzwa kwako,
madzimambo ose achaonawo
mbiri yako.
Iwe uchadaidzwa nezita idzva
rauchatumidzwa naTenzi
nomuromo wake.
3Uchave ndaza yakanakisisa
muruoko rwaTenzi,
nenyembe youmambo chaiyo
muruoko rwaMwari wako.
4Iwe hauchazonzi, “Murambwi,”#62:4 Murambwi: MuchiHebheru izita rinonzi Azubha.
nyika yako haichazonzi, “Dongo.”
Asi uchatonzi, “Wangu wapamwoyo,”#62:4 MuchiHebheru izita rinonzi Hefuzibha.
nyika yako ichinzi, “Muroora,”
nokuti Tenzi anofadzwa newe,
nyika yenyu icharoorwa
5sezvinongoita mukomana
anoroora mhandara,
iye akakuvaka#62:5 Akakuvaka: Kana kuti vana vako. wacho achakuroora
uye sokufarira kunoita
mukomana mukadzi waaroora
ndokukufarirai kuchaita
Mwari wenyu.
6Pasvingo ako iwe Jerusaremu
ndaisa vatariri,
havambonyarara
siku nesikati.
Imi munoyeuka Tenzi kudai
musazorore,
7musambomupa zvenyu zororo,
kudzamara aita kuti
guta reJerusaremu rimire
ariita kuti rive nomukurumbira
pasi pano.
8Tenzi apika norudyi rwake
apika nesimba roruoko rwake kuti,
“Handichambofa ndakapazve
mbesanwa dzenyu
kuti dzive chokudya chavavengi venyu
uye vatorwa havasi
kuzombonwazve waini yenyu
yamakadikitira kushanda.
9Asi kutoti
vanenge vaisa mbesanwa mumatura
ndivo vachadzidya
vachirumbidza Tenzi,
vanenge vatanha magirepisi
ndivo vachanwa waini yacho
vari munhandare
dzeNzvimbo yangu Inoera.”
10Pindai pindai nomumisuo mikuru
gadzirirai vanhu mugwagwa,
gadzirai gadzirai
mugwagwa mukuru
mubvisei mabwe
musimudze mureza
pamusoro pendudzi dzavanhu.
11Teererai munzwe,
Tenzi ari kuzivisa vanhu
kusvikira kwakaperera nyika.
Itii kuguta reZioni,
“Tarisai muone,
ruponeso rwenyu rwava kusvika.
Tarisai muone,
mubayiro wake anawo,
muripo wake
ndiwo waanotungamidza.”
12Vachanzi vanhu, “Vanoera
vaNyakununurwa vaTenzi”
iwe uchinzi, “Wapamwoyo pavanhu
guta risina kutizwa.”
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 62: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.