Chisimuka uti ngwe-e kuvheneka
nokuti chiedza chako chasvika
uye mbiri yaTenzi
yapenya pamusoro pako
nokuti tarisa uone
nyika ichanzi kwidiba nerima,
vanhu vachanzi nezarima gude gude.
Asi pauri
Tenzi achanyatsoti ngwe-e,
mbiri yake ichaonekwa pauri.
Vechirudzi vachauya kuchiedza chako,
madzimambo achauya
kuchiedza chako
chinenge chasimuka.
Simudzai musoro
mutarise uku nokuku muone,
vose vari kuunganidzana
vari kuuya kwauri,
vanakomana vako
vari kuuya vachibva kure,
vanasikana vako
vakaita zvokutakurwa mumaoko.
Ipapo uchazviona
ugomwekuma kufara,
mwoyo usingagoni nokufara
nokuti upfumi hwose hwegungwa
hunenge hwonanga kwauri
upfumi hwevechirudzi
huchauya kwamuri.
Mauri muchava nebvakapfaka renghamera,
nghamera dzichine simba
dzokuMidhiani nokuEfa
nedzose dzinobva kuShebha
dzichakotonoka.
Dzichauya nendarama norusenzi,
dzichadhumisa mbiri yaTenzi.
Matanga ese ezvipfuwo zvokuKedhari
achakurumukira kwauri,
hondohwe dzokwaNebhaoti
ndodzichava dzebasa rokupira kwako.
Dzichave dzinogamuchirika
paatari yangu,
ndichapa mbiri
kuimba yangu
inomukurumbira.
Ko avo ndivanaani avo
vanopepera sekaguti,
sehangaiwa dzananga pamusuo padzo?
Ndinodaro nokuti nyika
dzokumahombekombe kwegungwa uku
dzichandishandira,
kutanga nengarava dzokuTashishi
dzichiuya navana vako
dzichibva navo kure kure
vakatakura sirivha yavo nendarama
zvokurumbidza nazvo
zita raTenzi, Mwari wako,
iye Anoera weIsiraeri
nokuti akakupa mukurumbira.
Vatorwa zvavo
ndovachakuvakira tsvingo dzako,
madzimambo avo ivo
ndoanenge otokushandira iwe.
Ndakakuranga
pamusana pokushatirwa
kwandakanga ndaita,
asi zvino pamusana pemwoyochena wangu
ndava kukuitira tsiye nyoro.
Misuo mikuru yako
ichangogara yakazaruka siku nesikati,
kuzarirwa isingazarirwi
kuitira kuuya kunenge kuchiita vanhu
kwauri noupfumi hwevechirudzi,
vachitungamirirwa namadzimambo avo.
Zvichavepo ndezvokuti
rudzi kana nyika
inenge isingakushandirei ichaparara,
marudzi iwayo achanyatsotsakatiswa.
Mbiri yacho yeRebhanoni inoti:
misaipurasi nemipureni nemipaini
iyoyo, ichauya kwauri
kuzoshongedza pamana pangu
paNzvimbo yangu Inoera
ndichiita kuti
mandinotsika ini netsoka dzangu
mukurumbire.
Vana vavaikudzvinyirira
vachauya kwauri
vachisvikoti pasi kota kota,
vose zvavo vaikushorai
vachasvikoti pasi gwadagwa
patsoka dzako.
Vachakutumidzai zita rokuti,
Guta raTenzi,
Guta reZioni raiye Anoera weIsiraeri.
Wakanga wafuratirwa uchivengwa
pasisina kana neachadimura namauri,
zvino ndichakuita guta
rino mukurumbira narini narini
richange riri rinofadza
pachizvarwa nechizvarwa.
Uchayamwa mukaka wevechirudzi
uchayamwa mazamu amadzimambo
ndopauchaziva kuti
ini Tenzi, ndini Muponesi wako,
iye Mununuri wako
iye Samasimbaose waJakobho.
Ndichakuigira ndarama
panzvimbo pendarira
ndichikuigira sirivha
panzvimbo pesimbi
panzvimbo pamapango, ndarira
panzvimbo pamabwe, simbi.
Rugare ndorwandichaita kuti
ruve somutariri wako,
ururami hurihwo
mushandisi wako pabasa.
Manyongori haachazombonzwikizve
munyika mako.
Umharadzi nokuparadza kwose
hazvichazombonzwikizve
munyika yakatenderedzwa
nemiganhu yako.
Tsvingo dzako uchadzitumidza
zita rokuti Ruponeso,
misuo mikuru yako
zita rokuti Kurumbidza.
Chichakuvhenekera masikati
harisi zuva
nechichakuvhenekera usiku
unenge usisiri mwedzi,
asi kuti ini Tenzi
ndini ndichava chiedza chako
narini wose.
Ini Mwari wako
ndini ndichava mbiri yako.
Kwauri iwe
zuva harizombodoka
kana iwo mwedzi kwauri iwe
hauchazombonyura
nokuti ini Tenzi
ndini ndichakuvhenekera
narini wose.
Mazuva ako okuchema
achabva apera.
Vanhu vako vose zvavo
vachave vakarurama,
nyika ichava yavo nokusingaperi,
ivo bukira rangu
randakasima namaoko angu
kuti ndigorumbidzwa.
Mudikidiki pavari
ndichaita kuti ave dzinza chairo,
mudukuduku pavari
achiva rudzi rwavanhu rukuru.
Ndini Tenzi,
panguva yayo
ndichakurumidza kuzviita.