nokuti Musiki wako ndiye murume wako Tenzi wehondo nehondo ndiro zita rake iroro, uye Anoera weIsiraeri ndiye Mununuri wako iye anonzi Mwari wapasi pose. Ndinodaro nokuti Tenzi achakudaidza somudzimai akanga arambwa akashungurudzwa mwoyo somusikana akabvisa jaya mugota paanenge zvino adzingwa, ndizvo zviri kutaurwa naMwari wako. Ndakambokuti furatirei kwechinguva, asi nengoni dzangu dzakawanda kudai ndichakuunganidzai. Nokungoti virukei kwechinguva kwandakanga ndaita nehasha, ndakakupa gotsi. Asi norudo rusingaperi ndichakunzwira tsitsi. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mununuri wako.
Verenga chikamu Isaya 54
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Isaya 54:5-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo