Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 54:1-4

Isaya 54:1-4 SCLB

“Imba zvako iwe usina mbereko iwe usina kumbobereka denhura rumbo upururudze iwe usina kumborwadziwa napamuviri nokuti vana vako iwe wakasiyiwa vachawanda kupfuura vana veakaroorwa ndizvo zviri kutaurwa naTenzi. Kudza-kudza tendhe rako udhadhanure machira emaunogara okudzikatirisa usaregedze zvako rebesa tambo dzako, hoko dzako ngadzinyatsoti ndendende kusimba, nokuti uchatekeshera uku nouku zvizvarwa zvako zvichatonga marudzi avanhu, maguta ava matongo vachaaita misha yavo. “Rega zvako kutya nokuti hausi kuzombonyara, rega zvako kutenderedzwa musoro nazvo nokuti hausi kuzombonyadziswa pamusana pokuti zvakakunyadzisa uchiri mudiki, uchatozvikanganwa uye kushorwa kwako pamusana pouchirikadzi hausi kuzombokuyeuka

Verenga chikamu Isaya 54