Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 42:1-4

Isaya 42:1-4 SCLB

“Hoyu muranda wangu wandinotsigira munhu wandakazvisarudzira, wangu wepamwoyo. Ndakaisa Mweya wangu maari, achaunzira marudzi avanhu ruenzaniso. Haazoita zvokudaidzira kana zvokushevedzera nenzwi rake kunyange kuita kuti rinzwike mumugwagwa. Rutsanga runenge rwakatyoka haridimure, rambhi rine tambo inoti kamoto roi roi kubvira haaridzime, achaunzira vanhu ruenzaniso chairwo. Haachazorasa mwoyo kana kudzokera shure. Kusvikira aunza ruenzaniso panyika, nyika dziri kumahombekombe kwegungwa dzamirira mutemo wake.”

Verenga chikamu Isaya 42