Renje richafara nyika yakaoma ichafara gwenga richamwekuma nokufara, rachiti kakaka maruva kutumbuka somunhundurwa. Richanyatsoti namaruva akawanda tsvete rigopembera nokufara nokuimba, richapiwa mbiri yeRebhanoni nokuyevedza kwakaita sekweKarimeru nekweSharoni. Vachaona mbiri yaTenzi nomukurumbira waMwari wedu. Simbisai maoko akaregedzera musimbise mabvi akarengwendeka. Itii kune vane mwoyo unotya, “Simbai mwoyo, regai kutya. Tarirai muone, Mwari wenyu ari kuuya kuzotsividza nokutsividza kwaMwari, achizogadziridza zvamakakanganisirwa, achauya okununurai.” Maziso amapofu achasvinudzwa, nzeve dzamatsi dzichivhurwa. Ipapo mheta makumbo dzichachirika semhene, rurimi rwechimumumu ruchaimba norufaro nokuti murenje muchaita mafashamo emvura, mugwenga muchaita tukova twemvura. Mujecha munopisa muchava madziva, ivhu rine nyota richiva zvitubu zvemvura. Paimbova dambiro ramakava pachava jahwi rine uswa netsanga nenhokwe.
Verenga chikamu Isaya 35
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Isaya 35:1-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo