Chinzwai, kana mambo ava kutonga noururami makurukota ava kutonga noruenzaniso, mumwe nomumwe wavo anenge ave senzvimbo yokuvanda mhepo senzvimbo yokuhwanda dutu setukova twemvura munzvimbo yakaoma, somumvuri wedombo mukuru munyika yakaoma. Maziso avanofanira kuti vatarise zvinhu haazotsinzinya nenzeve dzavanofanira kunzwa dzichateerera. Vane pfungwa yokuti zvose ndezvechimbichimbi vachava nourongwa hwakanaka, vanokakama vachataura vasingazezi, uye zvinonzwika. Rema romunhu harizonzi munhu anofanira kuremekedzwa kana kuti kanyimiramundiro onzi mupanegombe. Rema romunhu rinotaura zvenhema pfungwa dzaro dziri pakuronga kuita zvakaipa napakuita zvisingadiwe naMwari richitaura zvisiri izvo pamusoro paTenzi. Ane nzara anomuregera nenzara yavo vane nyota nenyota yake. Zvinoitwa navanoudyire zvakashata vanoronga mazano akaipa kuti varozve varombo nenhema dzavanotaura vachitadzisa vanotambura kuwana zvinhu zvavane mvumo yokuti vawane. Asi munhu kwaye anoitawo zvinhu nomazvo zvinhu zviri pachokwadi ndozvaanomira nazvo. Simukai imi vakadzi makagarika, izwai izwi rangu imi vanasikana imi munozviti ndisu pano chimbonzwai zvandiri kutaura. Mushure menguva ndikindiki inongoti pfuurei gore, muchazvishayira pazvo, iyemi vakadzi munozviti ndisu pano nokuti zvokusvina waini panenge pasisina uye zvokukohwa, panenge pasisina. Dederai imi vakadzi makagarika, hutai iyemi munozviti ndisu pano. Pfekenurai musare musina chamakapfeka musungire muchiuno mitikisha yamasaga. Batai gotsi mucheme, minda yakanakisa yemiti yemigirepisi inobereka muchero mucheme ivhu ravanhu vangu mava kungokura zvamo mumunzwa norukato, ehe! Mucheme dzimba dzose dzemafaro dzomuguta remafaro nokuti muzinda wamambo uchazongosara wakadaro guta ranga rizere navanhu richasara risisina vanhu chikomo nenharire pokutaririra zvichava matanga narini wose anofarirwa nemadhongi omusango mokufura zvamo zvipfuwo. Kusvikira Mweya wadururirwa kwatiri uchibva kudenga renje rava munda unobereka zvirimwa munda wembeswa rave sango zvaro. Ipapo ruenzaniso ruchawanika kunyange nokurenje ururami huchiwanika kunyange nomumunda unobereka zvirimwa. Rugare ndoruchava muchero wokururama ikoko muchero wokururama ikoko uchava runyararo nokuvimbika nokusingaperi. Vanhu vangu vachagara mumisha ine rugare mudzimba dzisina njodzi dzokuzororera dzine runyararo. Sango richanyatsoparara guta richanyatsonzi pasi mbombombo. Makakomborerwa zvenyu imi munodyara pose pane mvura munogona zvenyu kuita mombe namadhongi enyu zvokutosaidzira.
Verenga chikamu Isaya 32
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Isaya 32:1-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo