Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 30:19-21

Isaya 30:19-21 SCLB

Hongu, imi vanhu veZioni munogara muJerusaremu hamuchazombochemazve. Achanyatsokuitirai nyasha paanonzwa kuchema kwenyu, paanongokunzwai achakupindurai. Kunyange zvazvo Tenzi achikuitai kuti zvimhingamupinyi zvive chokudya chenyu nhamo iri mvura yenyu yokunwa, Mudzidzisi wenyu haachazvivanzi kwamuri. Asi kuti imi nameso enyu muchatoona Mudzidzisi wenyu uye kuti pamunenge mava kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe muchatonzwa inzwi munzeve dzenyu richiti, “Nzira ndeyiyi itevedzei iyoyo.”

Verenga chikamu Isaya 30