Isaya 28
28
Kuyambira madzimambo okuchamhembe
1Mune nhamo imi vanozvikudza
voumambo hwokwaEfuremu hwezvidhakwa
hune mukurumbira waiyevedza
wava kuwuna seruva
riri pamusoro pebani rine ivhu rakanaka
nevakararadza newaini!
2Chinzwai,
Tenzi ane rimwe
gamba rakasimba
akaita sedutu rine chimvuramahwe
semhepo ine simba rakawanda inoparadza
sedutu rakasimba ramafashamo emvura,
iyeyo acharigira izvozvo pasi,
pavhu chaipo zvakaomarara.
3Vanozvikudza voumambo hwezvidhakwa
hwokwaEfuremu,
vachatsokodzerwa pasi netsoka;
4mukurumbira wahwo waiyevedza,
uri kuwuna seruva,
uri pamusoro pebani rine vhu rakanaka,
uchaita seguyu rokutangisa kuibva
zhizha risati rasvika
rokuti munhu kana akariona
anobva aridya
paanongoribata chete mumaoko.
5Pazuva iroro,
Tenzi wehondo nehondo,
achava mambo ane mukurumbira
nechishongo chinoyevedza
kuchitsama chavanhu vake vakasara
6achava iye mweya woruenzaniso
kune anenge agere pakutonga
achavawo simba kuna vanodzora
hondo pamisuwo mikuru.
Isaya kuvapristi navaporofita zvidhakwa
7Kana ivava vanodzengedza newaini
vachidzadzarika nahwo hwahwa
vapristi navaporofita
vanodzadzarika nahwo hwahwa
vapazamiswa misoro newaini
vachidzadzarika nahwo hwahwa
vava kuvhiringika pane zvavanooneswa,
vari kukanganisika pakutonga nyaya,
8nokuti mateburu ose azara marutsi
hapana pasisina tsvina.
9“Iye achadzidziswa ndiani
uye ndiani achatsanangurirwa
shoko racho?
Ndumurwa here?
Kana kuti mwana achangobva achangorumurwa?
10Zvaari kutoita
mutemo nomutemo murao nomurao
mutsetse nomutsetse
zvishoma nezvishoma.”
11Aiwa!
Asi kutoti
nomuromo wamabvakure,
norurimi rwevanhu vechirudzi,
Tenzi achataura kuvanhu vake
12vaakaudza kuti,
“Zororo nderiri iri:
zorodzai vakaneta
ndokuzorora ikoku,”
asi vakaramba kuteerera.
13Ndokusaka shoko raTenzi
richizova kwavari,
mutemo nomutemo, murao nomurao
mutsetse nomutsetse,
zvishoma nezvishoma
kuti vagoenda
vagoti nemanhede njaya kuwira pasi
vaputsike, vateyewe vabatwe.
Ibwe repakona rougaro hweZioni
14Naizvozvo chinzwai shoko raTenzi
imi vadadi,
iyemi munotonga vanhu muJerusaremu,
15nokuti makatika imi,
“Takaita chibvumirano norufu
tikaita chitsidzirano neNzvimbo yeVachakabvu,
panozopfuurawo shamhu yokuranga
ichirakasha, haimbotisvika,
nokuti isu takaita kuti
kunyepa kuve ndokwatinohwanda nako,
nhema dziri bako ratinohwanda.”
16Naizvozvo Tenzi Mwari anoti,
“Chinzwai!
Ndava kuisira ugaro hweZioni ibwe,
ibwe rakaongororwa,
ibwe rinokosha rapakona
rougaro chaihwo hwakasimba:
Anenge akatendeseka
haazi kuzomboita zvamandikurumidze.
17Ndichaita kuti
ruenzaniso ruve setambo yokuera nayo
kururama kuri setambo yokuvakisa
chimvuramabwe chichatsvaira botero ramakuhwa
mvura ichakukura nzvimbo yokuvanda.”
18Ndopachapedzwa
zvechibvumirano chenyu norufu,
chitsidzirano chenyu neNzvimbo yeVachakabvu
chichiparara.
Kana shamhu yokuparadza yava kupfuura
muchanyatsorikitwa.
19Nguva yose yainopfuura ichakurova
ichapfuura mangwanani oga oga
uye masikati nousiku.
Kunzwa chete zvainoreva
kuchava chinhu chinokutyisa kwazvo.
20Ndinodaro nokuti
zvichaita somubhedha mupfupi
wokuti munhu haakwanisi kutambarara pauri
uye segumbeze duku
zvokuti munhu haakwanisi kurifuka,
21uye nokuti sezvakaita Tenzi
paGomo rePerazimu achasimuka
uye sezvaakaita
muBani reGibheoni, achashatirwa
agoita zvinhu zvake,
zvinhu zvake zvisina akamboona
agoshanda basa rake
basa rake risina akamboriona.
22Zvino imi zvokudada regai,
majoti enyu angadaro akabva
anyatsosungwa chaizvo kuti nganganga
nokuti ndakanzwa ini chirevo,
chirevo chokuparadza munyika mose zvamo
chinobva kuna Tenzi
Tenzi wehondo nehondo.
Ungwaru hwaMwari
23Ndipeiwo nzeve,
munzwe zvandiri kutaura,
chimbonzwaiwo munzwe
zvandiri kureva.
24Iye anorimira kudyara,
anoramba here achingorima chete?
Anoramba here achingobamura zvake ivhu
nokungohara chete?
25Kana achinge aita kuti
pamusoro pacho pati chechetere,
haamwaye here mbeu dzedhiri
nokudyara mbeu dzekumini,
agoisamo koroni mumitsetse,
nebhari panzvimbowo payowo chaipo,
koroni yesipereti yakapoteredzawo kumucheto?
26Akadzidziswa zvakanaka
nokuti Mwari wake ndiye anomuudza.
27Dhiri imbesa isingakwanisiki
kupurwa nechirhei chokupurisa
kana kuita zvokukungurutsa vhiri rengoro
pambesa yekumini.
Asi dhiri inotopurwa neshamhu,
kumini ichipurwawo nesharapu.
28Pakupura,
munhu angabva apwanya koroni yechingwa here?
Kweteka,
haarambe achingoipura chete.
Paanofambisa mavhiri engoro yake pairi
namabhiza ake, haabvi aibvukuchura.
29Izvozvi izvi zvinobvawo
kuna Tenzi wehondo nehondo.
Mupi wemazano anoshamisa
ano ungwaru hunoshamisa.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 28: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.