Zvinhu zvakaoneswa Isaya mwanakomana waAmozi zvakanangana nenyika yokwaJudha neguta reJerusaremu, Zvichazoitika pamazuva ari kuuya kuti gomo reTemberi yaTenzi richanyatsoti dzu-u pamusoro pemamwe makomo zvokupfuurira zvikomo kureba marudzi ose achakotonokera kwariri; ndudzi dzavanhu dzisingaverengeki dzichauyako dzichiti, “Uyai tikwire kugomo raTenzi, kuTemberi yaMwari waJakobho atidzidzise nzira dzake kuti tigofamba mumakwara ake.” Ndinodaro nokuti muGomo reZioni ndimo munobva mutemo uye shoko raTenzi rinobva muJerusaremu. Achatonga marudzi ose evanhu achienzanisa mhosva dzendudzi dzavanhu dzakawanda; vachapfura mapakatwa avo vachiaita miromo yemagejo, mapfumo vachiaita majeko okupemhenesa. Hakuna rudzi ruchazosimudzira rumwe rudzi zvarwo bakatwa, zvokudzidzisana kurwa hondo pachange pasisina.
Verenga chikamu Isaya 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Isaya 2:1-4
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo