Isaya 12
12
Rumbo rwokutenda Mwari
1Musi iwoyo iwe uchazoti
“Ndinokutendai imi Tenzi
nokuti kunyange makambondishatirirwa zvenyu
kushatirwa kwenyu kwakapera
mukandinyaradza.
2Tarisai muone,
kuti Mwari ndiye ruponeso rwangu,
ndinovimba naye handichatyi
nokuti iye Tenzi Mwari,
ndiye simba rangu,
ndiye rumbo rwangu
ndiye ava ruponeso rwangu.
3“Muchafara muchiteka mvura
mumatsime oruponeso.”
4Pazuva iroro muchati,
“Ngatitendei Tenzi
tidaidze zita rake
tiparidze mabasa ake
kumarudzi avanhu
tichivazivisa kuti
zita rake izita romukurumbira.
5“Ngatirumbidzei Tenzi
nokuti akaita zvinoshamisa,
pasi pose ngapazvizive.
6Pururudzai muchiimba norufaro
imi vagari veZioni
nokuti Anoera weIsiraeri
ari pakati pedu mukuru.”
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 12: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.