Hosea 10
10
1VokwaIsiraeri vaiva
mugirepisi wakanyatsopasa kwazvo
uchibereka michero yawo.
Waiti ukawadzura kubereka michero,
ivo ndopovovaka atari neatari.
Sokubudirirawo kwaiita nyika yavo
ndokunyatsogadziridzwawo
kwavaiita shongwe dzamabwe
dzakamisirwa vamwari vavo.
2Vane mwoyo wokunyengera;
nokudaro vanofanira
kupfukirwa nemhosva yavo.
Tenzi achaparadza atari dzavo
achipaza shongwe dzavo dzamabwe
dzakamisirwa vamwari vavo.
3Ndinodaro nokuti iye zvino izvi vachati,
“Hatina mambo nokuti
hatityi Tenzi.
Zvino mambo chaangatiitirewo
pakadaro ndechipi?”
4Kutaura kwavo,
ndezvepamuromo chete,
kana voita zvitsidzirano
vanoita mhiko dzechipameso.
Saka kutonga kwakarurama
kwava bise#10:4 bise: kana kuti ruhumbi, kana kuti karoyi. runomera
mumvinga dzomumunda.
5Vagari vomuSamaria vari kudedera
vachityira zvimhuru zvokuBhetiavheni.
Vanhu veko vachazvichema
navapristi vazvo,
vanamati vezvifananidzo vachazvichema,
mbiri yazvo inenge yasasamuka.
6Naichowo chichatakurwa
kuendwa nacho kuAsiria
somutero kuna mambo mukuru.
VokwaEfuremu vachanyadziswa,
vokwaIsiraeri vachinyadziswa
nezano#10:6 nezano: kana kuti nechifananidzo chokunamata. ravo ravanotevedza.
7Mambo weSamaria achaparara
sakabanzu kanoyangarara pamvura.
8Nzvimbo dzakatunhumara
dzokuteurira kuna Avheni,
chitadzo chevokwaIsiraeri, dzichaparadzwa.
Minzwa norukato zvichamera paatari dzavo,
vachati kumakomo, “Tihwandisei,”
kuzvikomo vachiti, “Tiwirei.”
9“Imi vaIsiraeri,
kubvira pamazuva aye okuGibhea,
makapara zvitadzo,
kubvira ipapo makaramba muchingotadza.
Hondo haichavasvikira here kuGibhea ikoko.
10Pandinenge ndada,
nzenza dzevanhu idzodzo ndichadziranga,
uye vachamomoterwa nevechirudzi
pavanenge vachirangirwa
zvitadzo zvavo zvakapetwa.
11“VokwaEfuremu vainge vari
tsiru rakapingudzwa
raifarira kupura.
Ndichaisa joko
pamutsipa waro wakanaka,
ndichabopa vokwaEfuremu;
vokwaJudha ndivo vacharima
vokwaJakobho vachatimbinura pasi.
12‘Zvidyirirei ururami
mukohwe mwoyochena
bandirai minda yenyu yakararira
nokuti ino ndiyo nguva
yokutsvaka Tenzi
kuti auye kuzonayisa
ruponeso pamuri.’
13Makarima uipi
mukakohwa zvisina ruenzaniso,
makadya muchero wenhema.
Pamusana pokuti
makavimba nengoro dzenyu dzehondo#10:13 dzehondo: muchiHebheru munoti “nzira,”
nokuwanda kwavarwi venyu vehondo,
14naizvozvo mukati mevanhu venyu
muchamuka manyongori ehondo,
nzvimbo dzenyu dzokuzvidzivirira muhondo
dzose zvadzo dzichaparadzwa,
sokuparadzwa kwakaita Sharumani
guta reBhetiaribheri
pazuva rakarwiwa hondo,
madzimai akaitwa kanyamakanyama
pamwechete nevana vavo.
15Izvozvo ndozvichaitwawo kwamuri
imi vemba yokuBhetieri,#10:15 izvi zviri kutara vanhu veIsiraeri.
pari pamusana pouipi hwenyu
hwakakura kudai.
Mambo wokwaIsiraeri
achanyatsotsakatiswa mambakwedza.”
Zvasarudzwa nguva ino
Hosea 10: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.