Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaHebheru 7

7
A: UPRISTI HWAJESU HUKURU PANE UPRISTI HWAVAREVHI
1Nokuti iye Merekizedheki uyu, mambo weSaremu, mupristi waMwari Wokumusororo, akachingurana naAbhurahamu akanga achidzoka kubva kwaakanga andouraya madzimambo. Merekizedheki akakomborera Abhurahamu. 2Abhurahamu akamupa chegumi chezvinhu zvake zvose. Kana zita rake rotsanangurwa, pokutanga rinoreva kuti ndiMambo woururami, rinorevawo kuti ndiMambo weSaremu, zvichireva kuti Mambo worugare. 3Haana baba; haana amai; haana dzinza; mazuva ake haana mavambo; upenyu hwake hauna mugumo; asi wakafanana noMwanakomana waMwari anoramba ari mupristi nokusingaperi.
4Tarisai muone mukuriro waakaita! Abhurahamu, iye zitateguru, vakamupa chegumi chezvavakapamba mukurwa. 5Vechizvarwa chaRevhi vanogamuchira upristi hwedzinza. Vano murau unovabvumira kutora, zviri pamutemo, chegumi kubva kuvanhu, ndokuti kubva kuhama dzavo, kunyange vari vana vedzinza rimwechete raAbhurahamu. 6Asi munhu uyu asiri wedzinza iri akapiwa chegumi naAbhurahamu, iye akakomborera Abhurahamu, wakareyo aive nezvivimbiso. 7Hazvina angarambe kuti mudiki ndiye anokomborerwa nomukuru kwaari. 8Apa zvegumi, zvinopiwa kuvanhu vanofa, pamwe apo, zvinopiwa kune anopupurirwa kuti mupenyu. 9Zvichida mumwe angatoti iye Revhi pachake, anopiwa zvegumi, akabvisa chegumi pakabvisa Abhurahamu chegumi, 10nokuti akanga ari muchiuno chatateguru wake paakasangana naMerekizedheki.
11Zvino kana dai ururami huzere hwaiwanikwa pamusana poupristi hwaRevhi, nokutika panguva yahwo ndopakapiwa vanhu mutemo; ko paizodirwei kuti pamuke mumwe mupristi wegovero raMerekizedheki panze pomupristi anodaidzwa nezita regovero raAroni, 12nokuti kana upristi hukasanduka nomutemowo unofanira kutosanduka. 13Ari kurehwa panyaya iyi akanga ari werimwewo dzinza risina ati amboshanda paAritari. 14Zviri pachena kuti Tenzi wedu wakabva kudzinza raJudha, nezvedzinza irori panyaya yezvavapristi, Mosesi haana chaakamboreva.
15Izvi zvinobva zvanyatsobuda pachena–chena kana mumwe mupristi wakafanana naMerekizedheki womuka 16asina kuitwa mupristi maererano nomurawo womutemo womuzvarirwo wenyama asi pamusana pesimba risingagoni kuparadzwa. 17Anopupurirawo kuti, “Iwe uri mupristi wegovero raMerekizedheki nokusingaperi, 18nokuti zvinoti, uku murairo wakare wakabviswa pamusana pokushaya simba nokushaya maturo kwawo, 19(nokuti mutemo hauna chaunoruramisa) ukuwo uku kwakauya chitarisiro chitsva chiri nani chinotibatsira kuswedera kuna Mwari.”
20Izvi hazvina kuitwa pasina mhiko. 21Vamwe vakave vapristi pasina mhiko asi iye akave mupristi zvine mhiko. Uye akati kwaari nemhiko, “Mwari akapika uyezve haachasanduka, akati, ‘Uri mupristi nokusingaperi.’ ” 22Izvi zvinoita kuti Jesu ave chivimbiso chinotsigira chitenderano chiri nani.
23Vapristi vokutanga vaive vazhinji nokuti vaitadziswa norufu kuti vaenderere mberi nebasa ravo. 24Asi iye anoramba ainoupristi hwake nokuti anoramba aripo nokusingaperi. 25Naizvozvo, anogona kuponesa nguva dzose avo vanouya kuna Mwari nokwaari, nokuti mupenyu nguva dzose kuti avakumbirire.
26Nokuti zvakanga zvakakodzera kuti tive nomupristi mukuru wakadai, akarurama, asina chinoshoreka, asina kun'oreswa, akatsaurwa achibviswa panavatadzi, akasimudzirwa pamusoro, kupfuura matenga. 27Haasungirwi, sezvinoita vapristi vakuru vaya, kuti zuva roga roga apire chibayiro, pokutanga achizvipirira iye pachake, ozopirirawo zvitadzo zvavanhu, nokuti iye akaita izvi chakamwe paye paakazvipira iye pachake. 28Hongu, Mutemo unogadza vanhu vane utera kuti vave vapristi vakuru, asi izwi remhiko, rakazouya mushure moMutemo, rakagadza Mwanakomana, akaita mururami nokusingaperi.

Zvasarudzwa nguva ino

VaHebheru 7: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda