Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaHebheru 4:12-14

VaHebheru 4:12-14 SCLB

Shoko raMwari ibenyu uye rine simba, rinopinza kupinda bakatwa ripi neripi zvaro romuchekakose. Rinobaya zvokupinda mukati–kati chaimo richisvika pakarundana munhu nemweya wake: richisvikawo pakasangana nhengo nomwongo. Rinopatsanurawo pfungwa nezvinovavarirwa nemwoyo. Kwaari hakuna chisikwa chakavandika, zvose zvakangoti pachena yacha, zvisina chazvakapfeka, zvichinyatsoonekwa kwaari nemeso ake kuna iyeyo kwatichanozvidavirira zviito zvedu. Naizvozvo, zvatiino mupristi mukuru wakapinda nomumatenga, iye Jesu Mwanakomana waMwari, ngatichibatisisai chitendero chedu.

Verenga chikamu VaHebheru 4