Mwari haana kuisa pasi pavatumwa nyika ichauya, yatiri kutaura nezvayo. Zvakapupurirwawo kumwe zvichinzi, “Iye munhu chiikowo zvake wamunorangarira? “Iye munhuwo zvake wamunochengeta. Kwechinguvana mukamuita kuti ave mudiki kuvatumwa, mukamupfekedza ndaza nembiri norukudzo. Makaisawo zvinhu zvose pasi petsoka dzake.” Pamakaisa zvinhu zvose pasi pake, haana kusiya nechinhu chose chisiri mumaoko ake. Iye zvino hatisati zvedu toona zvinhu zvose zviri pasi pake.
Verenga chikamu VaHebheru 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaHebheru 2:5-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo