Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaHebheru 11:13-16

VaHebheru 11:13-16 SCLB

Ava vose vakafa vachitenda vasati vagamuchira zvavakanga vatsidzirwa asi vakanga vazviona vakazvikwaziza vachiri kure. Vakanga vazviona kuti vaenzi navatorwa panyika. Vanhu vanotaura vachidaro vanoratidza pachena kuti vari kutsvaka nyika yavo. Dai vakanga vachifunga nenyika yekwavakabva vangadai vakakwanisa kuwana mukana wokudzokerako. Asi sezvazviri vari kutosuwira nyika iri nani zvichireva nyika yokudenga. Ndokusaka Mwari asinganyari kunzi Mwari wavo nokuti akavagadzirira guta.