Chitendero chine chivimbo chezvinhu zvinotarisirwa uye chine chokwadi chezvinhu zvisingaoneki Nokuti nechitendero vanhu vakare vakanzi naMwari vanhu kwavo. Pamusana pechitendero tinonzwisisa kuti nyika yakasikwa nezwi raMwari zvokuti zvinooneka zvakaitwa zvichibva mune zvisingaoneki. Pamusana pechitendero Abhero akapira kuna Mwari chibayiro chinogamuchirika kupinda Kaini chakaita kuti anzi munhu akarurama Mwari achipupurira izvozvo nokugamuchira zvipo zvake. Akafa zvake asi nechitendero chake achiri kungotaura. Pamusana pechitendero Enoki akatorwa achiendeswa kudenga nokuti Mwari akanga amutora nokuti asati atorwa akanga apupurirwa kuti akafadza Mwari. Pasina chitendero hazvikwanisiki kumufadza nokuti munhu wose anouya anofanira kudavira kuti Mwari ariko uye kuti Mwari anopa mubayiro kune anomutsvaka.
Verenga chikamu VaHebheru 11
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaHebheru 11:1-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo