Zvino kutenda ndirwo rusimbiso rwezvinhu zvatinotarira, nechiratidzo chezvinhu zvatisingaoni. Nokuti naiko vanhu vakare vakapupurirwa zvakanaka. Nokutenda tinonzwisisa kuti nyika dzakanatsorongedzwa nezwi raMwari, naizvozvo zvinhu, zvinoonekwa, hazvina kuitwa nezvinhu zvinoonekwa. Nokutenda Abheri akabayira Mwari chibayiro chakanaka kune chaKaini; akapupurirwa nacho kuti akanga akarurama, Mwari achipupurira zvipo zvake; naiko kutenda iye, kunyange afa hake, achangotaura nazvino. Nokutenda Enoki akatorwa, kuti arege kuona rufu; akasaonekwa, nokuti Mwari akanga amutora; nokuti asati atorwa akapupurirwa kuti akanga achifadza Mwari. Kana kusina kutenda hazvibviri kumufadza; nokuti anouya kuna Mwari, anofanira kutenda kuti iye aripo, uye kuti anopa vanomutsvaka mubayiro wavo.
Verenga chikamu VaHebheru 11
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaHebheru 11:1-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo