Ngatinyatsofungisisai nzira dzokukurudzirana rudo namabasa akanaka. Tisaregere kusangana setsika inoitwa navamwe asi kuti tikurudzirane, zvikuru sei sezvamunoona kuti Zuva riya ravakusvika. Nokuti tikaramba tichingotadza zvedu isu tichiziva, isu takambogamuchira ruzivo rwechokwadi, hapazovezve nechibayiro chezvitadzo asi kungotarisira kutonga kunotyisa nomoto unotyisa uchaparadza mhandu. Munhu anotyora Mutemo waMosesi anouraiwa zvisina tsitsi paine zvapupu zviviri kana zvitatu. Ko kutozoti munhu anotsokodzera Mwanakomana waMwari achin'oresa ropa rechitenderano rakamuita mutsvene achishatirisa Mweya wenyasha, acharangwa zvakaipisisa sei? Inga tinoziva wani iye akati “Kutsiva ndokwangu, ndichatsividza.” Uyezve anoti, “Tenzi achatonga vanhu vake.” Chinhu chinotyisa kuwira mumaoko aMwari mupenyu. Asi yeukai, mazuva akare kuti mushure mokunge mavhenekerwa mukatirira matambudziko akaomarara. Dzimwe nguva maipinda mukutukwa nokutambudzwa pazere vanhu kana kubatanidzirwa navanenge vachiitirwa zvakadaro. Pamusana pokuti imi maiva netsitsi navasungwa uye maigamuchira nomufaro kupambwa kwezvinhu zvenyu nokuti imi pachenyu munoziva kuti mune chamuinacho chiri nani chinogara nokusingaperi. Nokudaro musarase chivimbo chenyu chino mubayiro mukuru. Munofanira kutirira kuti muite kuda kwaMwari kuitirawo kuti mugamuchire zvakatsidzirwa zvinoti: “Kwangosara kanguva kaduku duku uya anonzi achauya ari kuuya, haachanonoki; asi mururami wangu achararama nokutenda asi akadzokera shure handimufariri.” Asi isu hatisi vaya vokudzokera shure vanoparadzwa asi isu tiri vanhu vane chitendero vanoponesa mweya yavo.
Verenga chikamu VaHebheru 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaHebheru 10:24-39
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo