ngatirangarirane, timutsane mwoyo kuti tive norudo namabasa akanaka, tisarega kuungana kwedu, sezvinoita vamwe, asi tirayirane; zvikuru zvamunoona kuti zuva roswedera.
Nokuti kana tichitadza tichida kana tambogamuchira nezivo zvechokwadi, hakuna chine chibayiro pamusoro pezvivi, asi kungomirira tichitya kutongeswa nokutsamwa kunopfuta somoto, kuchapedza vavengi. Munhu, akaramba murayiro waMosesi, anofa asinganzwirwi tsitsi, kana pane zvapupu zviviri kana zvitatu; hamufungi here kuti munhu, akatsika Mwanakomana waMwari pasi petsoka dzake, akati ropa resungano raakaitwa mutsvene naro harina maturo zvaro, akazvidza Mweya wenyasha, kuti iye haanganzi akafanirwa nokurohwa kunopfuura uku kwazvo here? Nokuti tinomuziva iye akati, “Kutsiva ndokwangu, ini ndicharipira.” Uyezve, “Ishe achatonga mhosva dzavanhu vake.”
Zvinotyisa kuwira pamaoko aMwari mupenyu.
Asi rangarirai mazuva okutanga, amakati mavhenekerwa, mukatsunga pakurwa kukuru kwedambudziko; pamwe nokuti makaitwa chinhu chinotarirwa nokuzvidzwa nokutambudzwa; pamwe nokuti makagovana naivo vakaitirwa izvozvo. Nokuti makanzwira tsitsi avo vakasungwa, mukatendawo nomufaro kuti nhumbi dzenyu dzipambwe, muchiziva kuti imi mumene mune pfuma yakapfuura nokunaka, inogara. Naizvozvo regai kurasha kusatya kwenyu kuno mubayiro mukuru.
Nokuti munofanira kuva nokutsungirira, kuti, kana maita kuda kwaMwari, mugopiwa chipikirwa.
“Nokuti kanguva kaduku-duku kachiko,
Iye anouya, achauya, asinganonoki.
Asi wakarurama wangu achaponeswa nokutenda;
Zvino kana akadzokera shure,
mwoyo wangu haungafari naye.”
Zvino isu hatizi ivo vokudzokera shure, kuti tiparadzwe; asi tiri vokutenda kuti tiponeswe mweya.