Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Hagai 2:4-5

Hagai 2:4-5 SCLB

Zvisinei hazvo, zvino tsunga mwoyo iwe Zerubhabhero, ndizvo zvinotaura Tenzi. Tsunga mwoyo Joshuwa mwanakomana waJehozadhaki mupristi mukuru. Tsungaiwo mwoyo imi vanhu vose venyika ndizvo zviri kutaura Tenzi. Zviri kunzi naTenzi wehondo nehondo, ‘Shandai nokuti ndinemi sokukutsidzirai kwandakaita pamakabuda muIjipiti. Mweya wangu uri mamuri, musatye.’

Verenga chikamu Hagai 2