Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Habhakuku Zviri mubhuku rino

Zviri mubhuku rino
Bhuku raHabhakuku rinogona kukamuraniswa muzvidimbu zviviri. Mune chokutanga chacho, Habhakuku anotaura naMwari. Anoona udzvinyiriri noutsinye kwose kwose; nezvo anobvunza kuti mucharamba makatarisa zvenyu uipi hwakadai kusvika riini? Uye kuti Mwari anoshandisirei rudzi rwakashata kuranga rwakashata kupinda irwo? Muchidimbu chechipiri, Habhakuku anoimba rumbo rwokurumbidza Mwari nesimba rake nourongwa hwaMwari nokuti Mwari anoranga kuipa kwavaIsiraeri achishandisa rudzi rwakaipa asi rudzi rwakaipa rucharangwawo. Munhamo idzodzi dzose munhu akarurama anorarama nokutendeka kwake.
Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raHabhakuku
Mubvunzo waHabhakuku wokutanga kuna Mwari nemhinduro yawo (1:1–11)
Mubvunzo waHabhakuku wechipiri kuna Mwari nemhinduro yawo (1:12—2:20)
Rumbo rwaHabhakuku rwokurumbidza Mwari (3:1–19)

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda