Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Habhakuku 3:11-19

Habhakuku 3:11-19 SCLB

Zuva nemwedzi zvakati mbikiti kumira panzvimbo pazvo kuchiedza chemiseve yenyu yaipembera kuenda pakuvaima kwepfumo renyu. Makatara nhanho pasi pano makatsamwa mukatsokodzera marudzi avanhu makashatirwa. Makabuda kundonunura vanhu venyu, kuponesa muzodzwa wenyu. Makapwanya musoro womuipi mukamupfekenura kusiya ava musvo kubvira kumakumbo kusvikira pamutsipa. Dzepfunde Makabaya varwi vake musoro nemhayo dzenyu vakanga vauya sechamupupuri kuzondimwararisa, vachifara kwazvo sokunge vanoda kuzhanya varombo muchivande. Makabvongodza gungwa namabhiza enyu, mvura yamafashafasha ine simba. Ndinonzwa muviri wangu uchigwagwadza, miromo yangu ichidedereswa noruzha. Ndatyorwa mapfupa ini, kufamba ndava kungodhadharika. Ndichamirira chinyararire zuva renhamo richawira vanhu vanotirwisa. Kunyange zvazvo mukuyu ukarega kupfumvudza, kunyange mugirepisi ukashaya michero kana pamuorivhi pakashaika michero mindawo isina kubereka chokudya zvipfuwo muzvirugu zvapera kufa mumatanga musisina mombe, zvakadaro zvazvo ndichafara muna TENZI. Ndichafara naMwari muponesi wangu. TENZI, Mwari ndiye simba rangu. Makumbo angu anoaita seemhara achindifambisa panzvimbo dzangu dzokumusoro. Izvi ndezvomuimbisi ane zvokuimbisa zvine tambo dzokuridza.

Verenga chikamu Habhakuku 3