Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Habhakuku 3:1-4

Habhakuku 3:1-4 SCLB

Munamato womuporofita Habhakuku wokuita neShigionoti akati, TENZI ndakanzwa nezvenyu uye basa renyu TENZI rinondityisa. Rivandudzei mukati memakore muite kuti rizivikanwe mukati memakore, kana mukushatirwa rangarirai tsiye nyoro. Mwari akabva kuTemani uye Anoera achibva kuGomo reParani, mbiri yake yakakwidibira matenga nyika ikazara nokurumbidzwa kwake. Dzepfunde Kupenya kwake kwakanga kuchiita sechiedza, mirazvo ichipenya mumaoko make, akahwandisa simba rake imomo.

Verenga chikamu Habhakuku 3