Vanakomana vaNowa vakabuda mungarava ndiShemu naHamu naJafeti. Hamu ndiye baba vaKanani. Ivava ndivo vanakomana vatatu vaNowa. Kwavari ivava ndiko kwakazobva vanhu vose vari panyika pano. Nowa aiva murimi akasima munda wemagirepisi. Akanwa waini akararadza akarara mutendhe rake asina kupfeka. Hamu baba waKanani akaonerera baba wake asina kupfeka, akandoudza mukoma nomunun'una wake panze. Shemu naJafeti vakatora nguwo vakaisumudza kusvika pamapfudzi avo vose vari vaviri, vakadududza namakotsi vakasvikofukidza baba vavo vakatarisa rutivi, saka havana kutarisa baba vavo vakanga vasina kupfeka. Nowa paakapengenuka mukuraradza newaini, akaziva zvakanga zvaitwa kwaari nomwanakomana wake muduku. Akati, “Kanani ngaawirwe norushambwa, ngaave muranda chaiye wokupedzesera kuvakoma navanun'una vake.” Akatiwo, “Ngaarumbidzwe Tenzi Mwari waShemu, Kanani ngaave muranda waShemu. Mwari ngaakudziridze Jafeti, ngaagare mumatendhe aShemu, Kanani ave muranda wake.” Shure kwamafashamo emvura Nowa akagara mazana matatu amakore ana makore makumi mashanu. Saka ose pamwechete, Nowa akaita makore mazana mapfumbamwe ana makumi mashanu ndokuzofa zvake.
Verenga chikamu Mavambo 9
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mavambo 9:18-29
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo