Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 7:13-24

Mavambo 7:13-24 SCLB

Pazuva iroro Nowa nomudzimai wake navanakomana vake vanaShemu naHamu naJafeti navaroora vake vatatu vakapinda mungarava pamwechete nemhando dzose dzemhuka, nezvipfuwo nezvinokambaira nokuzvova napasi, nemhando dzose dzeshiri. Zvinhu zvose zvipenyu zvino mweya wokufema zvakapinda mungarava naNowa zviri zviviri zviviri, chikono nechikadzi sezvakaudzwa Nowa naMwari. Tenzi ndokumupfigiramo. Mvura zhinji yakaramba ichinaya pasi pose kwamazuva makumi mana. Yakawanda zvokuti yakasumudza ngarava ikayangarara pamusoro pemvura. Mvura yakaita mafashafasha, ikatutumuka kuzara pasi pose, ngarava ikayangarara pamusoro pemvura. Mvura yakazara ikanyudza makomo marefu ose epasi pose. Mvura yakazara ikafukidza makomo ikaapfuurira namamita manomwe. Zvinhu zvose zvipenyu zvinofamba panyika zvakafa, zvaiti: shiri nezvipfuwo nemhuka nezvinokambaira navanhu vose. Zvinhu zvose zvipenyu zvino mweya wokufema zvisingagare mumvura zvakapera kufa. Zvinhu zvipenyu zvose zvakatsakatiswa pasi pose zvaiti, vanhu nemhuka nezvinokambaira nokuzvova napasi neshiri dzedenga, zvakatsakatiswa pasi pose. Asi kwakangosara Nowa chete navaaiva navo mungarava. Mvura ndokuramba yakati fasha panyika kwamazuva zana namakumi mashanu.

Verenga chikamu Mavambo 7