Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 7:1-21

Mavambo 7:1-21 SCLB

Tenzi akataurira Nowa achiti, “Pinda mungarava, iwe nemhuri yako yose. Ndazviona kuti pachizvarwa ichi ndiwe wakarurama. Pamhando yoga yoga yemhuka dzisina kun'ora tora mikono minomwe nehadzi dzacho nomwe. Pamhando yoga yoga yemhuka dzakan'ora utorewo mbiri mbiri hono nehadzi yacho. Torawo machongwe manomwe nesheshe nomwe pamhando yoga yoga yeshiri dzedenga kuti mhando yadzo isatsakatike panyika. Shure kwamazuva manomwe ini ndichanayisa mvura panyika siku nesikati, kwamazuva makumi mana. Ndichatsakatisa zvinhu zvose zvipenyu panyika.” Nowa akaita zvose zvaakaudzwa naTenzi. Nowa akanga ava namazana matanhatu amakore panguva yakauya mafashamo emvura. Nowa akapinda mungarava pamwechete nomudzimai navanakomana vake navaroora vake kuti vapunyuke mafashamo emvura. Mhando dzose dzemhuka dzakan'ora nedzisina kun'ora dzakapinda mungarava naNowa, dziri mbiri mbiri, hono nehadzi, pamwechete nemhando dzose dzeshiri nezvinokambaira nokuzvova napasi sokutaurirwa kwakaitwa Nowa naMwari. Kuzoti kwapera mazuva manomwe, mafashamo emvura akabva auya panyika. Nowa paakanga ava namazana matanhatu amakore mumwedzi wechipiri pazuva regumi nechinomwe romwedzi iwoyo, ndiro zuva rakatubuka zvisipiti zvemvura zhinji yepasipasi penyika zvikapfachuka, mahwindo okudenga akazarurwa, mvura zhinji ikanaya panyika siku nesikati, kwamazuva makumi mana. Pazuva iroro Nowa nomudzimai wake navanakomana vake vanaShemu naHamu naJafeti navaroora vake vatatu vakapinda mungarava pamwechete nemhando dzose dzemhuka, nezvipfuwo nezvinokambaira nokuzvova napasi, nemhando dzose dzeshiri. Zvinhu zvose zvipenyu zvino mweya wokufema zvakapinda mungarava naNowa zviri zviviri zviviri, chikono nechikadzi sezvakaudzwa Nowa naMwari. Tenzi ndokumupfigiramo. Mvura zhinji yakaramba ichinaya pasi pose kwamazuva makumi mana. Yakawanda zvokuti yakasumudza ngarava ikayangarara pamusoro pemvura. Mvura yakaita mafashafasha, ikatutumuka kuzara pasi pose, ngarava ikayangarara pamusoro pemvura. Mvura yakazara ikanyudza makomo marefu ose epasi pose. Mvura yakazara ikafukidza makomo ikaapfuurira namamita manomwe. Zvinhu zvose zvipenyu zvinofamba panyika zvakafa, zvaiti: shiri nezvipfuwo nemhuka nezvinokambaira navanhu vose.

Verenga chikamu Mavambo 7