Izvi ndizvo zvizvarwa zvaNowa. Nowa akanga ari munhu akarurama ano unhu huzere chaihwo pachizvarwa chake. Nowa ainyatsowadzana naMwari. Nowa aiva navana vakomana vatatu, mazita avo ndiShemu naHamu naJafeti. Mukuona kwaMwari nyika yose yakanga yaora noupi, izere nokupandukirana. Mwari akatarisa panyika ndokuona kuti paora kwazvo nouipi nokuti vanhu vose panyika vakanga voita zviito zvakaora. Mwari akataurira Nowa kuti, “Ndafunga kutsakatisa vanhu vose nokuti ndivo vakaita kuti nyika izare nokupandukirana. Ndichavaparadza pamwechete nenyika. Asi iwe chizvigadzirira ngarava yomuti womugoferi, uikamure-kamure kuita dzimba mukati mayo, uiname netara mukati nokunze. Igadzire wakadai, urefu hwayo ngahuite zana nemakumi matatu amamita ana mamita matatu. Hwasha hwayo ngahuite makumi maviri amamita ana mamita maviri. Urefu hwayo kukwira mudenga kuite gumi ramamita namamita matatu. Unoisa denga pangarava usiye gwanza rina masendimita makumi mana namana pakati pedenga nechengo chayo, uite musuo necheparutivi rwengarava. Igadzire iine uriri hutatu hwakaturikidzana. Chinzwaka, ini ndichaunza panyika mafashamo emvura achaparadza zvinhu zvose zvino mweya unofema. Zvinhu zvose zviri panyika zvichafa. Asi ini ndichaita chitenderano changu newe. Ndichati iwe upinde mungarava, nomudzimai wako navanakomana vako navaroora vako. Pamhando yoga yoga yezvinhu zvose zvipenyu unotora zviviri, chikono nechikadzi uende nazvo mungarava zvirarame pamwechete newe. Utorewo zviviri zviviri pamhando yoga yoga yeshiri nemhuka nezvinokambaira nokuzvova napasi zvirarame. Unofanirawo kutora mhando dzose dzezvokudya uzviunganidzemo zvive chokudya chako nechazvo.” Nowa akaita zvose zvaakanzi naMwari aite.
Verenga chikamu Mavambo 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mavambo 6:9-22
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo