Josefi andozvisvitsa kuna Farao achiti, “Baba vangu navakoma navanun'una vangu vasvika vachibva kunyika yeKanani, vaine zvipfuwo zvavo nezvinhu zvavo zvose. Iye zvino vava kuGosheni.” Josefi akatora vamwe vakoma vake vashanu, akenda navo kuna Farao. Farao akabvunza vakoma vaJosefi achiti, “Ko basa renyu ramunoziva kuita nderei?”
Ivo vakati kuna Farao, “Basa redu isu varanda venyu nderokupfuwa zvipfuwo. Ndiro raiitwawo namadzibaba edu.” Vakatiwo kuna Farao, “Isu varanda venyu tauya kuzombogarawo munyika menyu muno nokuti hatichisina mafuro ezvipfuwo zvedu, kuKanani kwaita nzara huru kwazvo, zvino tinokumbirawo kuti tigare zvedu mudunhu reGosheni.”
Farao akati kuna Josefi, “Baba vako navakoma vako vauya kwauri. Nyika yeIjipiti ndiyoyi yose yauri kuona iyi. Hama dzako ngadzigare zvadzo padzinoda pakadzinakira munyika ino. Ngavagare zvavo kudunhu reGosheni. Kana uchiziva kuti pane vamwe vavo nyanzvi dzamabasa vape ukuru pabasa rokuchengeta zvipfuwo zvangu.”
Josefi akazoenda nababa vake Jakobho kundovaratidza kuna mambo Farao. Jakobho akakomborera Farao achimukwazisa. Mambo akabvunza Jakobho achiti, “Ko imi mava namakore manganiko?”
Jakobho akati kuna Farao, “Ini ndagara panyika ndiri munhu wokuti zvangu apa garei tamei apa garei tamei kwezana namakumi matatu amakore. Makore anga ari okutambura asi mashoma zvawo pane amadzimababa angu vakanga vari vanhu vokutama-tamawo.” Jakobho akakomborera mambo akamuoneka ndokuenda zvake. Josefi akaita zvakarehwa naFarao, akapa baba vake nehama dzake pokugara munyika yeIjipiti. Akavapa matunhu akanaka kwazvo pedyo neguta rainzi Ramasesi. Josefi akariritira baba vake navakoma vake navanhu vose vemba yababa vake nepwere dzavo achivapa zvokudya zvaikwanirana nemhuri imwe neimwe.
Zvino munyika yose makanga musisina zvokudya nokuti nzara yakanga yazotsviriridza kwazvo. Nyika yeIjipiti nenyika yeKanani dzakanga dzapera nenzara. Zvino nokutenga kwavakaita mbesanwa kudai, Josefi akakukuta mari yose yaiwanikwa muIjipiti nomuKanani achiitutira kumba kwaFarao. Kuzoti vanhu vomuIjipiti nevemuKanani vapererwa nemari, vaIjipiti vose vakauya kuna Josefi vakati, “Tipeiwo zvokudya, mari yedu yapera. Tofa here imi makatarisa?”
Josefi akati, “Kana mari yenyu yapera uyai nemombe dzenyu tigotsinhana nezvokudya.” Saizvozvo vakauya nezvipfuwo zvavo zvaiti mabhiza nehwai nemombe namadhongi kuna Josefi, Josefi akavapawo zvokudya. Naizvozvo akakwanisa kuvapa zvokudya gore iroro rose achitsinhanisana navo nezvipfuwo zvavo.
Gore iroro parakapera, ramangwana racho vanhu vakauyazve kwaari vachiti, “Changamire, hatingakuvanzirei kuti mari yedu yose yapera. Matanga edu ose ezvipfuwo ava enyu changamire. Hatichisina chokutenga nacho isu, chasara kwatiri miviri yedu neminda yedu. Ko tofa here imi makatarisa? Ko minda yedu yoparara zvayo here pamwe chete nesu? Chititengai zvenyu, mutengewo minda yedu mutipe zvokudya tive zvedu varanda vaFarao, minda yedu ive yake. Chenyu imi tipeiwo zvokudya tirege kufa. Mutipewo mbeu dzokudyara muminda yedu, irege kuita renje.”
Nokudaro Josefi akatenga nyika yose yeIjipiti ikabva yava yaFarao nokuti vaIjipiti vose vakatengesa minda yavo pamusana penzara yakanga yavabaya chaizvo nyika ndokubva yava yaFarao. Josefi akabvisa vanhu mumisha yavo munyika yose yeIjipiti achiti vagare mumaguta. Asi minda yavapristi ndiyo chete yaasina kutenga nokuti Farao aivapa nguva nenguva mugove wavo wavakatemerwa. Mugove uyu wavaipiwa naFarao ndiwo wavairarama nawo. Ndosaka vapristi vasina kutengesa minda yavo. Josefi akazotaurira vanhu achiti, “Nhasi uno ndakutengai imi neminda yenyu kuti muve varanda vamambo. Hedzino mbeu dzokudyara muminda. Kana mazokohwa, pamasaga mashanu munozounza saga rimwechete kuna mambo. Asi masaga mana achasara acho ndeenyu. Ndimo mamuchazowana mbeu dzokudyara nezvokudya zvenyu nezvemhuri dzenyu nepwere dzenyu.”
Vanhu vakati, “Changamire ndimi matotiponesa. Tiitirei zvenyu tsiye nyoro tive zvedu varanda vaFarao.” Naizvozvo Josefi akaisa mutemo munyika yeIjipiti uripo nanhasi wokuti kana munhu akohwa masaga mashanu, rechishanu nderamambo. Asi minda yavapristi ndiyo yoga isina kutengwa namambo.
VaIsiraeri vakagara munyika yeIjipiti mudunhu reGosheni, mhuri yavo yakawana upfumi huzhinji varimo, vakabereka vana vakawanda kwazvo. Jakobho akagara munyika yeIjipiti makore gumi namanomwe. Akazofa ava namakore zana namakumi manomwe ana makore manomwe. Nguva yaIsiraeri yokufa payakanga yava kuda kusvika, akadaidza mwana wake Josefi akati, “Ndapota kana uchindida isa ruoko rwako pasi pechidya changu utsidze kuti uchava wakatendeka kwandiri uvewo pachokwadi neni, usandivige muno muIjipiti, asi ndivige pakavigwa madzibaba angu. Unonditakura kubva muIjipiti muno wondondiviga kunzvimbo yavo yokuviga vakafa.”
Josefi akati, “Ini ndichaita sokureva kwenyu.” Jakobho akati, “Nditsidzire izvozvo.” Josefi ndokuvatsidza. Ipapo Jakobho akanga ari pamubhedha wake akabva atsikitsira musoro.