Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 45:4-8

Mavambo 45:4-8 SCLB

Josefi akataurira vakoma navanun'una vake achiti, “Chiswederai zvenyu kuno.” Ivo ndokuswedera. Akati, “Ndini Josefi munun'una wenyu, wamakatengesa kuno kuIjipiti. Zvino regai zvenyu kusuruvara kana kuzvishatirirwa pamusana pokuti makanditengesa nokuti Mwari akafanondiunza kuno kuti ndibatsire kuchengetedza upenyu hwavanhu. Izvozvi tava mugore rechipiri renzara, asi kwasara mamwe makore mashanu achange asina munhu anozorima kana kukohwa. Asi Mwari akafanonditumira kuno kuti akuchengetedzerei chitsama chavanhu chinosara pasi pano uye, kuti pakati penyu vazhinji vapunyuke rufu zvinoshamisa. Saka hamusirimi makandiunza kuno, asi zvakaitwa naMwari. Ndiye akandigadza ndikava jinda guru raFarao. Ndini changamire mumuzinda wamambo. Ndini ndinotonga nyika yake yose yeIjipiti.

Verenga chikamu Mavambo 45