Gare gare mudzimai waPotifari akachiva Josefi, akamukumbira kuti aite chakaipa naye. Asi Josefi akaramba akati kumudzimai watenzi wake, “Tarisai muone, tenzi wangu aineni kudai, hapana chinhu chaanombozvinetsa nacho mumba, uye vakaisa zvinhu zvose zvavanazvo mumaoko angu. Hakuna munhu ane simba kudarika ini pamba pano. Tenzi wangu akandipa masimba pamusoro pezvinhu zvose, kunze kwenyu imi moga nokuti muri mudzimai wake. Zvino ndingagoita sei chinhu chakaipa kudaro ndichitadzira Mwari?” Kunyange zvake mudzimai uyu akanyengetedza Josefi zuva nezuva, Josefi akaramba kumuteerera akaramba kuita chakaipa naye kana kutandara naye. Mumwe musi Josefi akapinda mumba achindoita basa rake, vamwe varanda vakanga vasimo. Pakarepo mudzimai uyu akamuti ndu-u hanzu yake achiti, “Rara neni.” Ipapo Josefi akapukunyura akabva asiya hanzu yake muruoko rwomudzimai uyu ndokutizira panze. Mudzimai uyu paakaona kuti Josefi apukunyura akasiya hanzu yake muruoko rwake achitizira panze, akadaidza varanda vepamba pake vechirume akavati, “Mazvionaka! MuHebheru uyu watakaunzirwa ava kutivirimira. Auya achida kurara neni, ndikabva ndaridza mhere. Zvaanzwa mhere yandaridza asiya hanzu yake akabva atizira panze.” Mudzimai uyu akachengeta hanzu yaJosefi kusvikira tenzi wake vadzokera kumba. Akamutaurira kuti, “Muranda uyu wechiHebheru wamakatiunzira pano, auya kuzondivirimira. Asi pandaridza mhere abva asiya hanzu yake akatizira panze.” Tenzi wake akatsamwa zvikuru paakanzwa zvakataurwa achiti, “Ndizvo zvandakaitirwa nomuranda wenyuka izvi.” Akabva aisa Josefi mujeri maisipfigirwa vasungwa vamambo. Nokudaro Josefi akapfigirwa mujeri akagaramo.
Verenga chikamu Mavambo 39
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mavambo 39:7-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo