Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 39:7-15

Mavambo 39:7-15 SCLB

Gare gare mudzimai waPotifari akachiva Josefi, akamukumbira kuti aite chakaipa naye. Asi Josefi akaramba akati kumudzimai watenzi wake, “Tarisai muone, tenzi wangu aineni kudai, hapana chinhu chaanombozvinetsa nacho mumba, uye vakaisa zvinhu zvose zvavanazvo mumaoko angu. Hakuna munhu ane simba kudarika ini pamba pano. Tenzi wangu akandipa masimba pamusoro pezvinhu zvose, kunze kwenyu imi moga nokuti muri mudzimai wake. Zvino ndingagoita sei chinhu chakaipa kudaro ndichitadzira Mwari?” Kunyange zvake mudzimai uyu akanyengetedza Josefi zuva nezuva, Josefi akaramba kumuteerera akaramba kuita chakaipa naye kana kutandara naye. Mumwe musi Josefi akapinda mumba achindoita basa rake, vamwe varanda vakanga vasimo. Pakarepo mudzimai uyu akamuti ndu-u hanzu yake achiti, “Rara neni.” Ipapo Josefi akapukunyura akabva asiya hanzu yake muruoko rwomudzimai uyu ndokutizira panze. Mudzimai uyu paakaona kuti Josefi apukunyura akasiya hanzu yake muruoko rwake achitizira panze, akadaidza varanda vepamba pake vechirume akavati, “Mazvionaka! MuHebheru uyu watakaunzirwa ava kutivirimira. Auya achida kurara neni, ndikabva ndaridza mhere. Zvaanzwa mhere yandaridza asiya hanzu yake akabva atizira panze.”

Verenga chikamu Mavambo 39