Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 39:20-23

Mavambo 39:20-23 SCLB

Akabva aisa Josefi mujeri maisipfigirwa vasungwa vamambo. Nokudaro Josefi akapfigirwa mujeri akagaramo. Asi Tenzi aiva naJosefi, akaramba achimuitira mwoyochena, akaita kuti mutariri wejeri amuitire mwoyo wakanaka. Mutariri wejeri akaisa vasungwa vose vakanga vari mujeri mumaoko aJosefi. Zvose zvaiitwa mujeri zvaitariswawo naJosefi. Mutariri wejeri haaimbozvinetsa nezvinhu zvaitariswa naJosefi nokuti Tenzi aiva naJosefi achimubatsira kuti zvose zvaaiita zvibudirire.

Verenga chikamu Mavambo 39