Tenzi aiva naJosefi. Naizvozvo akabudirira kwazvo agere mumba matenzi wake wechiIjipiti. Potifari akaona kuti Tenzi akanga aina Josefi. Akaonawo kuti Tenzi ndiye aibatsira Josefi pazvinhu zvose zvaaiita, kuti zvibudirire. Potifari akafadzwa naJosefi. Akamuita mutariri wezvemba yake zvose, akaturirawo mumaoko ake zvose zvaaiva nazvo. Kubva panguva iyoyo yaakamuita mutariri wezvemba yake zvose, nezvose zvaaiva nazvo, Tenzi akakomborera mhuri yaPotifari pamusana paJosefi. Tenzi akakomborerawo upfumi hwake hwose hwaiva mumusha nehwaiva muminda. Naizvozvo akaisa zvinhu zvake zvose mumaoko aJosefi. Nokudaro Potifari zvaaiva naye kudai akanga asisazvinetse nokufunga chokuita kusara kwezvokudya zvake chete. Josefi akanga ane chimiro chakanaka, aine chiso chakarurama.
Verenga chikamu Mavambo 39
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mavambo 39:2-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo