Jakobho akasimudzirawo rwendo rwake, vatumwa vaMwari ndokusangana naye. Jakobho paakavaona akati, “Inga ihondo yaMwari chaiyo!” Saka nzvimbo iyoyo akaitumidza zita rokuti Mahanaimu. Jakobho akafanotuma nhume kuna Esau mukoma wake aigara kuSeiri munyika yeEdhomu. Akadzirayira achiti, “Endai kuna changamire wangu Esau mumutaurire kuti, ‘Zvanzi nomuranda wenyu Jakobho, ndanga ndiri kwaRabhani kwandanga ndigere kusvikira iye zvino. Ndava nemombe namadhongi nehwai nembudzi, navaranda vechikadzi nevechirume. Zvino ndatuma nhume kunemi changamire wangu kuti mundiitire tsiye nyoro.’ ” Nhume idzi padzakadzokera kuna Jakobho dzakamutaurira kuti, “Takasvika kune mukoma wenyu, Esau. Zvino naiyewo ava munzira namazana mana avarume kuzosangana nemi.” Jakobho akabva atya akatambudzika mumwoyo zvikuru, akakamura vanhu vavaiva navo nezvipfuwo nemombe nengamera ndokuita mapoka maviri, achifunga kuti kana Esau akauya kune rimwe boka akariparadza, rimwe iri rinogona kutiza. Jakobho ndokuti, “Mwari wavasekuru vangu Abhurahamu, imi Mwari wababa vangu Isaki imi Tenzi ndimi makanditi, ‘Chidzokera zvako kunyika yako, kune hama dzako ndichaita kuti zvinhu zvikufambire zvakanaka.’ Ini handikodzeri kuwana kunyange kai zvako kwomwoyochena wenyu, nokutendeseka kwenyu kwamakandiitira, ini muranda wenyu nokuti pandakayambuka Jorodhani urwu ndaingova iyeni ndoga netsvimbo yangu. Asi nhasi uno ndava namapoka maviri. Ndapota ndinunureiwo mumaoko emukoma wangu Esau. Ndava kutya ini kuti angauye akatiuraya tose akauraya madzimai navana. Ndimi makambonditsidzira muchiti, ‘Ndichaita kuti zvinhu zvikufambire zvakanaka. Ndichakupa vana vakawanda sejecha regungwa vasingaverengeki nokuwanda kwavo.’ ”
Verenga chikamu Mavambo 32
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mavambo 32:1-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo