Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 32:1-12

Genesi 32:1-12 SNA2002

Zvino Jakobho akaenda nenzira yake, vatumwa vaMwari ndokusangana naye. Akati achivaona, Jakobho akati, “Ihondo yaMwari;” akatumidza nzvimbo iyoyo zita rinonzi Mahanaimi. Zvino Jakobho akatuma nhume pamberi pake kuna Esau, mukuru wake, kunyika yeSeiri, munyika yeEdhomu. Akavaraira, akati, “Taurai nashe wangu, Esau, muti, ‘Zvanzi nomuranda wenyu Jakobho, ndakanga ndiri mutorwa kuna Rabhani, ndikagarako kusvikira zvino; ndine mombe, nembongoro, namakwai, navaranda, navarandakadzi; ndatuma vanhu kuzoudza ishe wangu izvozvi, kuti ndiwane nyasha pamberi penyu.’ ” Nhume dzikadzokera kuna Jakobho, dzikati, “Takandosvika kumukuru wenyu Esau; naiye anouya kuzosangana nemi ana varume vana mazana mana.” Jakobho akatya kwazvo, akatambudzika; akaparadzanisa vanhu vaakanga anavo, namakwai nemombe namakamera, akaita mapoka maviri; akati, “Kana Esau akasvika kune rimwe boka, akariparadza, boka rakasara ringatiza.” Zvino Jakobho akati, “Imi, Mwari wababa vangu Abhurahamu, naMwari wababa vangu Isaka; imi Jehovha, ndimi makati kwandiri, ‘Dzokera kunyika yako, nokuhama dzako, ndigokuitira zvakanaka’; handina kufanirwa nenyasha dzenyu dzose nokutendeka kwenyu kwose kwamakaitira muranda wenyu; nokuti ndakayambuka Jorodhani urwu netsvimbo yangu yoga; zvino ndava mapoka maviri. Dondirwirai paruoko rwomukuru wangu, paruoko rwaEsau; nokuti ndinomutya, kuti achauya akandiparadza ini, namai, pamwechete navana. Ndimi makati, ‘Zvirokwazvo ndichakuitira zvakanaka, ndichaitawo rudzi rwako sejecha regungwa, risingagoni kuverengwa nokuwanda kwaro.’ ”

Verenga chikamu Genesi 32