Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 3:14-24

Mavambo 3:14-24 SCLB

Mwari Tenzi akataurira nyoka kuti, “Pamusana pezvawaita izvozvi, wapinda rushambwa pazvipfuwo zvose nemhuka dzose dzesango. Uchafamba nedumbu rako uchidya guruva, upenyu hwako hwose. Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi napakati pechizvarwa chake nechizvarwa chako, chizvarwa chake chichapwanya musoro wako, iwe ucharuma chitsitsinho chake.” Kumukadzi, Mwari akati, “Ndichaita kuti urwadziwe chaizvo, paunenge wakatakura mimba napakusununguka vana. Uchagara wakapanga murume wako, iye ari wokukutonga.” Kuna Adhamu, Mwari akati, “Pamusana pokuti wateerera zvako mukadzi wako, ukadya muti wandakati usadye; nyika yapinda rushambwa pamusana pako, chokudya chako kuti uchiwanewo panyika, uchaita chokutamburira upenyu hwako hwose. Nyika ichamera minzwa norukato. Iwe uchadya zvokudya zvomusango. Chokudya chako chichava chedikita kudzamara wadzokera muvhu, nokuti wakabva kuivhu, uri vhu, uchadzokerazve kuivhu.” Adhamu akatumidza mudzimai wake zita rokuti Evha nokuti ndivo amai vavanhu vose. Mwari Tenzi akaitira Adhamu nomukadzi wake nguwo dzamatehwe ndokuvapfekedza. Mwari Tenzi akati, “Chionaika, munhu afanana nesu, ava kuziva zvakanaka nezvakaipa. Zvino angadaro akatanha michero yomuti woupenyu akadya akararama nokusingaperi.” Naizvozvo Mwari Tenzi akamudzinga mubindu reEdheni kuti andorima muvhu muya maakabva. Mwari akabva adzinga munhu, akaisa makerubhu kurutivi rwamabvazuva ebindu reEdheni, akaisawo bakatwa rainge murazvo womoto, raivheya kwose kwose kuchengetedza nzira yokumuti woupenyu.

Verenga chikamu Mavambo 3