Tenzi akaona kuti Rea aivengwa ndokubva amupa mbereko, asi Rakeri akanga asina mbereko. Rea akava napamuviri akabereka mwana mukomana akamutumidza zita rokuti Rubheni achiti, “Tenzi aonawo nhamo yangu! Zvino murume wangu achandidawo kwazvo!” Rea akavazve napamuviri akabereka mwana mukomana akati, “Tenzi anzwa kuti ndinovengwa saka andipazve mwana mukomana uyu.” Akamutumidza zita rokuti Simeoni. Rea akava napamuviri zvakare akabereka mwana mukomana akati, “Rwendo runo murume wangu achandida nokuti ndamuberekera vana vakomana ava vatatu.” Saka vakamutumidza zita rokuti Revhi. Rea akavazve napamuviri akabereka mwana mukomana akati, “Zvino ndochirumbidza Tenzi.” Saka akamutumidza zita rokuti Judha. Ndokubva amira kubereka.
Verenga chikamu Mavambo 29
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mavambo 29:31-35
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo