Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 27:1-46

Mavambo 27:1-46 SCLB

Kuzoti Isaki ava harahwa, maziso ake ava kuonera madzerere asisaone akadaidza Esau dangwe rake akamuti, “Mwanangu!” Iye akati, “Ndiri pano baba!” Vakati, “Ini ndakwegura, handizivi zuva rokufa kwangu. Zvino chitora zvombo zvako zvokuvhimisa, zvinoti mukutu nemiseve yako uende musango kundondivhimira nyama. Ugondigadzirira chokudya chakanaka chomwoyo wangu chaicho, undiigire ndidye, ndigokukomborera ndisati ndafa.” Ribheka akanga akateerera Isaki achitaura naEsau mwanakomana wake. Esau paakaenda musango kundovhima, Ribheka akataurira Jakobho mwanakomana wake vachiti, “Ndanzwa baba vako vachitaura naEsau mukoma wako vachiti, ‘Ndiigire nyama yemhuka ugondigadzirira zvokudya zvakanaka, ndidye ndikupe chikomborero chaTenzi ndisati ndafa.’ Zvino, mwanangu chiteerera zvandava kukuudza. Enda kudanga undiigire mbudzana mbiri dzakakora ndibikire baba vako chokudya chakanaka chepamwoyo wavo chaicho. Ugoenda nazvo kuna baba vako, vadye vakukomborere vasati vafa.” Jakobho akapindura amai vake Ribheka achiti, “Mukoma wangu Esau, munhu ane mvere muviri wose, asi ini handina mvere. Zvimwe baba vachabata muviri wangu vakazviziva kuti ndiri kuvanyengedza vakazoti rushambwa rundiwire ini ndanga ndichiti ndikomborerwe.” Asi amai vake vakati, “Mwanangu rushambwa rwacho ngaruwire inini. Chako iwe kuteerera zvandiri kureva, uende undodzitora uuye nadzo kwandiri.” Jakobho akaenda akandodzibata, akauya nadzo kuna amai vake. Amai vake vakabikira baba vake chokudya chakanaka chapamwoyo pavo chaicho. Ribheka akatora hanzu dzakaisvonaka dzaEsau mwanakomana wake mukuru dzaaiva nadzo mumba, akadzipfekedza Jakobho munun'una wake. Akapfekedza Jakobho matehwe embudzana dziye mumaoko nomumutsipa make makanga musina mvere. Ribheka akatora zvokudya zvakanaka nechingwa zvaakanga abika, akapa Jakobho. Jakobho akaenda kuna baba vake akati, “Baba!” Ivo vakati, “Mwanangu! Ko ndiwe aniko mwanangu?” Jakobho ndokuti, “Ndini dangwe renyu Esau ndaita zvamandiudza. Mukai zvenyu muite zvokugara mudye nyama yemhuka yandauya nayo, mundikomborere.” Isaki akati, “Wakurumidza nei kuiwana mwanangu?” Jakobho ndokuti, “Ndaiwaniswa naTenzi, Mwari wenyu.” Isaki akataurira Jakobho achiti, “Chimboswedera kuno mwanangu, ndibate muviri wako ndinzwe kana uriwe mwana wangu Esau zvechokwadi kana kuti kwete.” Jakobho akaswedera pana baba vake Isaki. Ivo vakabata muviri wake vakati, “Izwi nderaJakobho asi maoko ndeaEsau.” Isaki haana kuziva kuti ndiJakobho nokuti maoko ake akanga ava nemvere, sezvakanga zvakaita maoko omukoma wake Esau, akamukomborera. Akati, “Saka ndiwe here mwana wangu Esau?” Akati, “Ndini.” Isaki akati, “Chindipa nyama yemhuka yawabaya, ndidye ndikukomborere.” Jakobho akavapa vakadya, akavapawo waini vakanwira zvavo. Baba vake Isaki vakamuti, “Chiswedera kuno unditsvode mwanangu.” Akaswedera akavatsvoda. Isaki akanzwa kunhuwirira kwehanzu dzake akamupa chikomborero achiti, “Kunhuwirira kwemwana wangu kwakaita sokunhuwirira kwesango rakakomborerwa naTenzi. Mwari ngaakuunzire dova rokudenga, ngaanyatsokurisa zvirimwa zvako, akupe mbesanwa dzakawanda newaini. Ndudzi dzose ngadzikushandire, marudzi ose avanhu akugwadamire uve mutongi wehama dzako, vana vaamai vako vakuombere. Vanenge vati uwirwe norushambwa, rushambwa ngaruwire ivo, vakomborerwewo vanoti iwe ukomborerwe.” Zvakaitika kuti Isaki achangopedza kukomborera Jakobho, iye Jakobho achangoti ibvei pana baba vake, Esau mukoma wake ndokubva atiwo vhu kusvikawo achibva kundovhima. Akabikawo zvokudya zvinonaka, akaenda nazvo kuna baba vake akasvikoti, “Baba, mukai muite zvokugara, mudye nyama yemhuka yandauya nayo, mugondikomborera.” Baba vake, Isaki ndokumuti, “Ndiwe ani?” Akati, “Ndini Esau mwana wenyu wedangwe.” Isaki akadedera zvikuru akati, “Ko ndianiko ambondivhimira nyama akauya nayo kwandiri ndikaidya yose usati wauya, ndikamupa chikomborero? Iyeyo ndiye atokomborerwa.” Esau akati achinzwa zvaitaurwa nababa vake, akazhamba kuchema achishungurudzika achiti, “Baba neniwo ndikomborereiwo.” Asi ivo vakati, “munun'una wako andinyengedza akabva atora chikomborero chako.” Esau akati, “Handiti vakagona vakamutumidza zita rokuti Jakobho nokuti anditorera nzvimbo yangu ruviri rwese. Akanditorera udangwe hwangu, zvino hoyo watora chikomborero changu.” Akatizve, “Ko hamuna kundisiyirawo here chimwe chikomborero?” Isaki ndokupindura Esau achiti, “Chitarisa uoneka, ndamuita kuti ave mutongi wako. Hama dzake dzose ndadziita kuti dzive varanda vake, ndikamupawo chikomborero chembesanwa newaini. Zvino chii chasara ipapa chandingakuitirewo mwanangu.” Esau ndokupindura baba vake achiti, “Nhai baba, ko munongova nechikomborero chimwechete chete here? Baba neniwo ndipeiwo chikomborero!” Esau akabva achema zvinosiririsa. Baba vake Isaki ndokuti, “Musha wako uchava kure noupfumi hwenyika, uri kure kure nedova rinobva kumusoro kudenga. Zvokubatirana mapfumo navamwe vako, ndohuchagara huri upenyu hwako. Uchava muranda womunun'una wako. Asi paanongokuti tupfunu chete uchatyora joko rake pamutsipa wako.” Esau akavenga Jakobho pamusana pechikomborero chaakanga apiwa nababa vake. Asi nechomumwoyo Esau akati, “Mazuva okufa kwababa vangu ava pedyo, tikapedza kuvachema ndichauraya munun'una wangu Jakobho.” Ribheka paakanzwa zvairongwa naEsau mwanakomana wake mukuru akadaidza Jakobho mwanakomana wake muduku akati kwaari, “Chionaka iwe, mukoma wako Esau ari kuronga zvokukuuraya achitsividza. Saka mwanangu chinzwa zvandinokuudza. Chisimuka pano uende kuHarani kuhanzvadzi yangu Rabhani. Ugare ikoko mazuva akati kuti, kusvikira hasha dzomukoma wako dzaserera, kudzamara mukoma wako asisiri kukushatirirwa, akanganwa zvawakamuitira. Ndipo pandichazotumira munhu kuzokutora ikoko. Handidi ini kurasikirwa navanhu vaviri pamusi mumwechete.” Ribheka akati kuna Isaki, “Vakadzi vechiHiti vandakaroorerwa naEsau vandipfuvisa. Kana Jakobhowo akaroora mukadzi wechiHiti savava ava kuvanasikana vomunyika muno zviri nani zvangu kuti ndife.”

Verenga chikamu Mavambo 27