Akanamata achiti, “Tenzi, Mwari waAbhurahamu, vatenzi vangu, nzwirai tsitsi vatenzi vangu Abhurahamu, mundibatsire ndiwane zvandafambira. Onai ndimire pano patsime pachauya vanasikana vavanhu vomuguta rino kuzochera mvura. Zvino musikana wandinenge ndati nditekerewo mvura ndinwe, kana iye akapindura achiti, ‘Inwai zvenyu uye ndichapawo ngamera dzenyu mvura yokunwa,’ iyeyo ngaave musikana wamakasarudzira muranda wenyu Isaki. Ndizvo zvichandiratidza kuti maitira mwoyochena vatenzi vangu.”
Asati ambopedza kutaura pakabva pasvika Ribheka mwanasikana waBhetueri. Bhetueri uyu akaberekwa naMirika, mudzimai waNahori munun'una waAbhurahamu. Ribheka akasvika akatakura chirongo chake papfudzi.
Zvino musikana uyu aiva nechimiro chakanaka kwazvo, iri mhandara isina kumbosangana nomurume. Akapinda mutsime akazadza chirongo chake nemvura akabuda. Muranda uyu akamhanyira kwaari akati, “Regai ndingonyavawo pahuro nemvura yokunwa yomuchirongo chenyu.”
Musikana akati, “Inwai zvenyu tenzi wangu.” Akakurumidza kutura chirongo chake pasi ndokumubatira achinwa. Kuzoti amupa mvura, musikana akati, “Chiregai zvenyu nditekerewo ngamera dzenyu mvura, dzinwe dzigute.” Akabva atora mvura yaiva muchirongo chake akaidururira mokuti dzinwire, ndokumhanyira kutsime kundocherera ngamera dzake dzose mvura yokunwa. Murume akatarisisa anyerere achida kuziva kuti chokwadi Tenzi anditungamirira kuwana zvandafambira here, kana kuti kwete.
Kuzoti ngamera dzake dzanwa dzaguta muranda uyu akatora mhete yendarama yairema sechidimbu chapakati napakati cheshekeri, ndokushongedza Ribheka. Akamupawo makoza maviri endarama airema mashekeri gumi. Muranda akati, “Uri mwana waaniko? Ko tingawanawo here pokurara kumba kwababa venyu?”
Iye akati, “Ndiri mwana waBhetueri akaberekwa naMirika, mudzimai waNahori.” Akatiwo, “Tine zvose zvakawanda, mashanga nezvokudya zvezvipfuwo uye pokurara paripo.”
Murume uyu akapfugama akanamata Tenzi achiti, “Ngaarumbidzwe Tenzi, Mwari watenzi wangu Abhurahamu nokuti akaramba akatendeka, akaita zvaakatsidzira tenzi wangu. Kana ndirini, Tenzi anditungamirira akandisvitsa kumusha kwehama dzatenzi wangu.”
Musikana uyu akabva amhanyira kumba kwamai vake, ndokundovaudza zvose. Ribheka aiva nehanzvadzi yake yainzi Rabhani. Rabhani akamhanyira kumurume uye, kutsime, nokuti akanga aona hanzvadzi yake iine mhete, namakoza mumaoko ayo, akanzwawo kutaura kwaiita Ribheka achiti, “Ndizvo zvandaudzwa nomurume iyeyo.” Ndopaakamhanyira kumurume uya, akamuwana amire patsime paya nengamera dzake. Rabhani akati, “Titambireika vanyakukomborerwa naTenzi! Ko manga muchadarirei kumirira kunze kunze kuno uku. Izvozvi tatokugadzirirai imba nepokutenhera ngamera.”
Saka murume uyu akandopinda mumba. Rabhani akasunungura ngamera dziya, akamupa mashanga nezvokudya zvengamera. Akapawo murume uyu navaaiva navo mvura yokushamba tsoka. Vakamuperekera zvokudya, asi iye akati, “Handingadyi ndisati ndataura mashoko angu.” Rabhani akati, “Tipire zvako tinzwe.”
Iye akati, “Ndiri muranda waAbhurahamu. Tenzi akakomborera vatenzi vangu kwazvo zvokuti vakapfuma zvikuru. Vane hwai, mombe, sirivha, ndarama, navaranda vechirume nevechikadzi nengamera namadhongi mazhinji. Sara, mudzimai wavatenzi vangu, kunyange akanga achembera zvake, akaberekera vatenzi vangu mwana mukomana. Ivo vatenzi wangu vakapa mwana wavo iyeyo zvinhu zvose zvavanazvo. Zvino vatenzi vangu vakandiitisa mhiko vachiti, ‘Usatsvakire mwana wangu mukadzi mukati mevanasikana verudzi rwevaKanani vane nyika yandigere. Asi enda kumusha kwababa vangu, kuhama dzangu undotsvakira mwana wangu mukadzi ikoko.’ Ndakati kuna vatenzi vangu. ‘Zvimwe mukadzi wacho acharamba kuuya neni.’ Ivo vatenzi vangu ndokuti, ‘Tenzi wandinogara ndichinamata muupenyu, achatuma mutumwa wake akuperekedze kuti zvaunofambira zvibudirire, undotorera mwana wangu mukadzi kuhama dzangu kumusha kwababa vangu. Kana wasvika kuhama dzangu, vakaramba kukupa mukadzi iyeyo, uchasunungurwa zvako pamhiko yangu.’
“Pandasvika patsime nhasi uno ndati, ‘Tenzi, Mwari wavatenzi vangu Abhurahamu, nditungamirireiwo ndigowana zvandafambira.’ Zvino zvandimire patsime pano, kana pakauya musikana kuzochera mvura ndikamuti, ‘Dondipawo mvura muchirongo chako ndinwe,’ kana iye akati, ‘Inwai zvenyu, ndichatekerawo ngamera dzenyu mvura yokunwa,’ iyeyo ngaave mukadzi akasarudzirwa mwana wavatenzi vangu naTenzi. Zvino ndisati ndapedza kunamata nechemumwoyo ndabva ndaona Ribheka achiuya akatakura chirongo pamapfudzi ake, ndokusvikopinda mutsime, ndokuchera mvura. Ini ndamuti, ‘Dondipawo mvura yokunwa.’ Pakarepo iye abva atura chirongo chake pamafudzi akati, ‘Inwai zvenyu, uye ndichapawo ngamera dzenyu mvura yokunwa.’ Ndanwa ndokubva iye apawo ngamera dzangu dzikanwa. Ipapo ndamubvunza ndichiti, ‘Ko nhai, uri mwana waaniko?’ Iye ati, ‘Ndiri mwana womwana waNahori, baba vangu ari Bhetueri aberekwa naMirika mudzimai waNahori.’ Ini ndabva ndaisa mhete pamhuno yake namakoza mumaoko ake. Ndapfugama ndikanamata Tenzi, ndikarumbidza Tenzi wavatenzi vangu Abhurahamu nokuti anditungamirira kuti ndinange kuhama yavatenzi vangu Abhurahamu kuti ndiwanire muroora wavatenzi vangu. Zvino kana imi muchida kuva vanhu vakatendeka vanoita zviri pachokwadi kuna vatenzi vangu ndiudzei. Asi kana musingadi, ndiudzeiwo zvangu ndione zvokuita.”
Ipapo Rabhani naBhetueri vakapindura vachiti, “Zvinhu izvi zvabva kuna Tenzi. Isu hapana chatingataure. Ribheka ndiyeyu ari pano mutore zvako uende naye, andova mudzimai womwanakomana wavatenzi vako sokutaura kwakaita Tenzi.” Muranda waAbhurahamu paakanzwa zvavakataura akapfugama pasi akanamata Tenzi. Muranda uyu akabva abudisa zvishongo zvesirivha nezvendarama nehanzu dzokupa Ribheka. Akaburitsawo zvipo zvinokosha ndokupa amai vaRibheka nehanzvadzi yake Rabhani.
Muranda uyu navarume vaakanga anavo vakadya, vakanwa, ndokurarapo usiku ihwohwo. Kuzoti vamuka mangwanani akati, “Chiregai ndichidzokera zvangu kuna vatenzi vangu.”
Hanzvadzi yake naamai vake vakati, “Regai timboti garei nomusikana uyu nguva yakati kuti kana mazuva angaite gumi zvawo agoti oenda zvake.”
Asi iye akati, “Dai machirega zvenyu kundinonotsa, onai Tenzi andipa zvandafambira. Chiregai zvenyu ndidzokere kuna vatenzi vangu.”
Ivo vakati, “Regai tidaidze mhandara yacho tinzwe.” Vakadaidza Ribheka vakati kwaari, “Unoda kuenda nomurume uyu here?”
Iye akati, “Hongu ndinoda.”
Vakabvumidza Ribheka mwana wavo kuenda. Akaenda nomuranda wechikadzi nyakumurera. Vakaenda nomuranda waAbhurahamu pamwechete navanhu vake.
Vakakomborera Ribheka vachiti,
“Dai iwe mwana wedu
ukava amai vamazana akazanirana avanhu!
Zvizvarwa zvako ngazvikurire
maguta avavengi vazvo.”
Ribheka navasikana vake vaimushandira vakagadzirira zvokusumuka, vakatasva ngamera dzavo, vakaenda nomurume uye vachimutevera. Muranda uyu ndiko kutora kwaakaita Ribheka akabva aenda zvake.
Ipapo Isaki akanga achangotama kuBheerirahairoi, ava kugara kuNegevhu. Ava manheru, Isaki akaenda musango achimbondoti avarairwe zvake achifunga. Akasumudza musoro akaona ngamera dzichiuya. Ribheka akati tarisei, paakaonawo Isaki akabva akurumidza kuburuka pangamera yake, ndokubvunza muranda uyu achiti, “Ko murume uyo ari kuuya nomusango umo kuzochingurana nesu ndiani?” Muranda akati, “Ndivatenzi vangu.” Ribheka akatora dhuku rake akazvifukidza kumeso.