Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 22:1-24

Mavambo 22:1-24 SCLB

Mushure maizvozvi, Mwari akaedza Abhurahamu akati, “Abhurahamu.” Iye akati, “Ndiri pano.” Mwari akati, “Tora mwanakomana wako, iye mumwechete oga, wepamwoyo, Isaki uende naye kunyika yeMoria umuite chibayiro chomupiro wokupisa ikoko pane rimwe gomo randichakuudza.” Abhurahamu akafumomuka akaisa chityaro padhongi rake akatora varanda vake vaviri nomwanakomana wake Isaki. Akatema huni dzokupisa nadzo mupiro wokupisa, ndokusimuka oenda kunzvimbo yaakanga audzwa naMwari. Pazuva retatu Abhurahamu akatarisa akaona nzvimbo iyoyo ichiri chinhambwe. Abhurahamu akataurira varanda vake achiti, “Chimbosarai pano apa nedhongi iri, ini nomwana timboenda kundonamata tigozoti todzoka zvedu kuno kwamuri.” Abhurahamu akatora huni dziye akadzitakudza Isaki mwana wake. Iye akatakura moto nebanga mumaoko, vakaenda zvavo vose vari vaviri. Isaki akabvunza Abhurahamu baba vake achiti, “Nhai baba!” Iye akati, “Chiiko mwanangu?” Isaki akati, “Moto nehuni tinazvo, ko hwayana yokundoita chibayiro chomupiro wokupisa iri kupi?” Abhurahamu akati, “Mwanangu, Mwari pachake ndiye achaona kuti tawana hwayana yechibayiro chemupiro wokupisa.” Saka vose vari vaviri vakaenda zvavo. Vakasvika panzvimbo yavakanga vataurirwa naMwari. Abhurahamu akavaka atari ipapo. Akanyatsoronga huni, akasunga Isaki mwanakomana wake akamuradzika paatari, pamusoro pehuni. Abhurahamu ndokutambanudza ruoko rwake otora banga kuti achibaya mwana wake. Pakarepo mutumwa waMwari akadaidzira ari mudenga achiti, “Abhurahamu, Abhurahamu!” Abhurahamu akati, “Ndiri pano.” Mutumwa akati, “Usakuvadze mwana wako kana kuwana chaungaite paari. Zvino ndazoziva kuti unotya Mwari, zvausina kurambira nomwanakomana wako, mumwe chete oga.” Abhurahamu akatarisa onei seri kwake kuine hondohwe yakakochekera nenyanga dzayo mugwenzi. Abhurahamu akandotora hondohwe iyoyo, akaiita chibayiro chomupiro wokupisa panzvimbo yomwana wake. Saka Abhurahamu akatumidza nzvimbo iyoyo zita rokuti “Tenzianoonazvokuita,” kunyange nanhasi uno zvichiri kungonzi, “Pagomo raTenzianoonazvokuita.” Ipapo mutumwa waTenzi akadaidzira rwechipiri ari mudenga kuna Abhurahamu achiti, “Ndinopika neni pachangu. Ndini Tenzi ndinodaro kutaura. Zvawaita chinhu chakadai ichi ukarega kurambira nomwanakomana wako, mwana wako mumwechete oga, ndichanyatsokukomborera chaizvo. Ndichaita kuti vana vako vawande senyenyedzi dzedenga, sejecha romumahombekombe egungwa. Maguta avavengi vavo, vana vako vachaaita avo. Nokuda kwavana vako marudzi apasi pose achakomborerwa nokuti wateerera zvandinoreva.” Abhurahamu akadzokera kuvaranda vake ndokusumuka voenda vose kuBheerishebha. Abhurahamu akaita musha wake kuBheerishebha. Shure kwaizvozvo Abhurahamu akazoudzwa kuti, “Mirika akaberekera munun'una wake Nahori vana vakomana.” Wedangwe ndiUzi achiteverwa naBhuzi, kwozouya Kemueri baba waAramu, tevere Kesedhi naHazo naPiridhashi naJidhirafu naBhetueri. Bhetueri ndiye akazobereka Ribheka. Aya ndiwo majaya masere akaberekwa naMirika mudzimai waNahori munun'una waAbhurahamu. Nahori akaberekawo vamwe vana nomurongo wake ainzi Reuma. Murongo iyeyo akabereka Tebha naGahamu naTahashi naMaaka.

Verenga chikamu Mavambo 22