Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 21:1-7

Mavambo 21:1-7 SCLB

Tenzi akazoshanyira Sara sezvaakanga ataura, akamuitira zvaakanga amuvimbisa. Sara akava napamuviri akaberekera Abhurahamu mwana mukomana panguva yakatemwa naMwari paakataura naAbhurahamu. Izvozvo Abhurahamu akanga ava harahwa. Abhurahamu akatumidza mwana waaberekerwa naSara zita rokuti Isaki. Abhurahamu akadzingisa Isaki mwana wake ava namazuva masere okuberekwa sezvakanzi naMwari aite. Abhurahamu akanga ava namakore zana panguva yakaberekwa Isaki. Ipapo Sara akati, “Mwari andipa kuti ndiseke zvangu chikwe-e, vose vachazvinzwa vachasekawo neni.” Akati, “Ndianiwo zvake aimbozvifunga kuti Abhurahamu angaberekerwewo zvake vana neni Sara? Asi hezvika ndamuberekera mwana mukomana achembera kudai.”

Verenga chikamu Mavambo 21