Iyi ndiyo nhoroondo yokusikwa kwakaitwa denga napasi. Mwari Tenzi panguva yaakasika nyika nedenga, pasi pose pakanga pasati pava namakwenzi. Kwakanga kusinawo zvinomera nokuti Mwari Tenzi akanga asati anayisa mvura panyika uye hakuna airima nokuti kwakanga kusati kwava nomunhu aivapo. Asi mhute yaisimuka panyika ichinyorovesa pasi pose. Mwari Tenzi akatora ivhu panyika akaumba munhu, akamufemera mweya woupenyu mumhuno dzake. Munhu ndokubva ava noupenyu. Mwari Tenzi akasima bindu muEdheni kumabvazuva ndokuisamo munhu waakanga aumba. Mwari Tenzi akameresa muEdhenimo miti yorudzi norudzi yaiyevedza kutarisa, yaiva yakanaka kudya. Muti woupenyu waivawo pakati pebindu iroro, maivawo nomuti woruzivo rwezvakanaka nezvakaipa. Kwaiva norwizi rwaibva muEdheni rwaidiridza bindu iroro rwaizobudamo rwokamukana ruchiita nzizi ina. Rwizi rwokutanga ndiPishoni. Ndirwo runopoterera nenyika yeHavhira, kune ndarama. Ndarama yenyika iyoyo yakanaka kwazvo, kunowanikawo masiriridzi edheriumu anonhuhwirira uye notumabwe tunokosha tweonikisi. Rwizi rwechipiri ndiGihoni. Ndirwo runopoterera nyika yose yeKushi. Rwizi rwechitatu ndiTigirisi, runopfuura nechokumabvazuva kweAsiria. Rwizi rwechina ndiYufuratesi. Mwari Tenzi akatora munhu akamuisa mubindu reEdheni riya kuti aririme arichengete. Mwari Tenzi akaudza munhu kuti, “Idya zvako michero yemiti yose iri mubindu umu. Asi usadye muchero womuti woruzivo rwezvakanaka nezvakaipa, nokuti zvechokwadi musi waunoudya unofa.”
Verenga chikamu Mavambo 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mavambo 2:4-17
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo