Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 18:16-33

Mavambo 18:16-33 SCLB

Varume vaya vakazosimuka vonanga kuSodhomu. Abhurahamu akavaperekedza. Tenzi akati, “Ko ndichavanzira Abhurahamu zvandava kuda kuita here, ini ndichiziva kuti Abhurahamu achazova rudzi rukuru rune simba uye kuti ndudzi dzose dzapasi pose dzichakomborerwa pamusana pake? Kwete. Handingamuvanzire nokuti ndakamusarudza ndichiti arayire vana vake nemhuri yake ichauya, kuti vatevere ini Tenzi vachiita zvakarurama nokuitirawo vamwe zvakarurama nezvine ruenzaniso kuti ndiwane mazadzikisiro ezvandakapika kuna iye Abhurahamu.” Tenzi akati, “Mhosva dzeSodhomu neGomora dzasvika munzeve dzangu dzanyanya kuwanda, uye chitadzo chavo chaipisisa kwazvo. Naizvozvo ndiri kudzikako kundoona kana kuchema kuri kusvika munzeve dzangu kuri kukonzerwa zvechokwadi nezviito zvavo, kana zvisizvo ndigoziva.” Varume vaye vakabva ipapo, vakananga kuSodhomu. Abhurahamu akasara amire pana Tenzi. Abhurahamu akaswedera pana Tenzi akati, “Ko muchaparadza vakarurama pamwechete navakaipa here? Ngatiti muguta imomo mune vakarurama vanokwana makumi mashanu hamungarinzwire tsitsi here pamusana pemakumi mashanu arimo muchibva marega kuriparadza? Regai zvenyu kuita zvakadaro kuuraya vakarurama pamwechete navakaipa muchienzanisa vakarurama navakaipa. Regai zvenyu kumbodaro ko iye mutongi wepasi pose angatadze here kuita zvakarurama?” Tenzi akati, “Kana ndikawana muSodhomu muine vanhu vakarurama vanokwana makumi mashanu ndichanzwira tsitsi guta rose pamusana pavakarurama ivavo.” Abhurahamu akati, “Kunyange zvangu ndiri guruva nedota, ndatsunga kutaura kwamuri Tenzi wangu. Ngatitii poperevedza navanhu vashanu kuti vakwane makumi mashanu avakarurama, mungaparadze here guta rose pamusana pavashanu vanenge vashayikwa?” Mwari akati, “Handingariparadze kana ndikawana muine makumi mana navashanu ivavo.” Abhurahamu akataurazve achiti, “Zvimwe muchawanikwa muine makumi mana.” Mwari akati, “Handingazviite nokuda kwamakumi mana iwayo.” Abhurahamu akati, “Tenzi wangu, regai zvenyu kunditsamwira kana ndikataurazve. Zvimwe muchawanikwa muine makumi matatu?” Mwari akati, “Handingazviite kana ndikawana muine makumi matatu iwayo.” Abhurahamu akati, “Tenzi wangu, ndava kungoramba ndichikunyaudzai. Zvimwe muchawanikwa muine makumi maviri avakarurama.” Mwari akati, “Handingariparadze nokuda kwamakumi maviri iwayo.” Abhurahamu akati, “Regai zvenyu kunditsamwira Tenzi wangu kana ndikataurazve kamwechete koga. Zvimwe muchawanikwa muine gumi rimwechete ravanhu.” Mwari akati, “Handingariparadze nokuda kwegumi iroro.” Tenzi paakapedza kutaura naAbhurahamu akabva aenda zvake, Abhurahamu ndokudzokerawo zvake kwake.

Verenga chikamu Mavambo 18