Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 18:16-33

Genesi 18:16-33 SNA2002

Zvino vaya varume vakasimuka, vakabva ipapo, vakatarira Sodhomu; Abhurahamu akaenda navo achivaperekedza. Zvino Jehovha akati, “Ndichavanzira Abhurahamu zvandinoita here? Abhurahamu zvaachava rudzi rukuru rune simba, nendudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa maari? Nokuti ndakamutsaura, kuti araire vana vake naveimba yake vanomutevera, kuti vachengete nzira yaJehovha, vaite zvakarurama nezvakanaka; kuti Jehovha auyise pamusoro paAbhurahamu izvo zvaakataura pamusoro pake.” Ipapo Jehovha akati, “Kudanidzira kweSodhomu neGomora kukuru kwazvo; zvirokwazvo zvivi zvavo zvakaipa kwazvo; ndichaburuka zvino kuti ndione izvo zvavaita, kana zvakafanana nokudanidzira kwavo kwakasvika kwandiri; kana zvisina kudaro, ndichazviziva.” Zvino vaya varume vakabva, vakaenda Sodhomu; asi Abhurahamu akaramba amire pamberi paJehovha. Zvino Abhurahamu wakaswedera, akati, “Muchaparadza vakarurama pamwechete navakaipa here? Zvimwe vangavapo vakarurama vana makumi mashanu muguta; muchaparadza nzvimbo iyo, mukasainzwira tsitsi nokuda kwavakarurama vana makumi mashanu varimo here? Ngazvive kure nemi kuita kudaro kuuraya vakarurama pamwechete navakaipa, kuti vakarurama vave savakaipa, ngazvive kure nemi. Mutongi wenyika yose haangaiti zvakarurama here?” Ipapo Jehovha akati, “Kana ndikawana muSodhomu vakarurama vana makumi mashanu mukati meguta, ndichanzwira nzvimbo yose tsitsi nokuda kwavo.” Abhurahamu akapindura akati, “Tarirai zvino, ndatsunga kutaura naJehovha, ini guruva nedota hangu; zvimwe kuchashaikwa vashanu kuvakarurama vana makumi mashanu; mungaparadza guta rose kana vashanu vashaikwa here?” Akati, “Handingariparadzi, kana ndikawanamo makumi mana navashanu.” Akataurazve naye akati, “Zvimwe kuchawanikwamo makumi mana.” Akati, “Handingazviiti nokuda kwamakumi mana.” Akati, “Jehovha ngaarege hake kunditsamwira, kana ndikataurazve. Zvimwe vana makumi matatu vachawanikwamo.” Akati, “Handingazviiti, kana ndikawana makumi matatu.” Akati, “Tarirai, ndatsunga kutaura naJehovha, zvimwe vana makumi maviri vachawanikwamo.” Akati, “Handingariparadzi nokuda kwamakumi maviri.” Akati, “Jehovha ndikataurazve kamwe chete; zvimwe vane gumi rimwe chete vangawanikwamo.” Akati, “Handingariparadzi nokuda kwaivavo vane gumi.” Ipapo Jehovha akabva, apedza kutaura naAbhurahamu; naAbhurahamu akadzokera kumba kwake.

Verenga chikamu Genesi 18