Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 11:10-32

Mavambo 11:10-32 SCLB

Izvi ndizvo zvizvarwa zvokwaShemu. Shemu akagara zana ramakore akabereka Aripakishadhi, makore maviri shure kwamafashamo emvura. Abva mukubereka Aripakishadhi, Shemu akagara mazana mashanu amakore akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana. Aripakishadhi akagara makumi matatu amakore ana makore mashanu, ndokuzobereka Shera. Mushure mokubereka Shera, Aripakishadhi akagarazve mazana mana amakore ana makore matatu, akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana. Shera akagara makumi matatu amakore akabereka Ebheru. Mushure mokubereka Ebheru, Shera akagarazve mazana mana amakore ana makore matatu akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana. Ebheru akagara makore makumi matatu namana akabereka Peregi. Mushure mokubereka Peregi, Ebheru akagarazve mazana mana ana makumi matatu amakore akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana. Peregi akagara makumi matatu amakore akabereka Reu. Mushure mokubereka Reu, Peregi akagara mazana maviri amakore ana makore mapfumbamwe akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana. Reu akagara makumi matatu amakore ana makore maviri, akabereka Serugu. Mushure mokubereka Serugu, Reu akagara mazana maviri amakore ana makore manomwe akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana. Serugu akagara makore makumi matatu akabereka Nahori. Mushure mokubereka Nahori, Serugu akagara mazana maviri amakore akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana. Nahori akagara makumi maviri amakore ana makore mapfumbamwe akabereka Tera. Mushure mokubereka Tera, Nahori akagara zana ramakore namakore gumi namapfumbamwe akaberekawo vamwe vakomana navasikana. Tera akagara makore makumi manomwe akabereka Abhuramu naNahori naHarani. Hezvinoi zvizvarwa zvaTera. Tera akabereka Abhuramu naNahori naHarani. Harani ndiye baba vaRoti. Harani akafa baba vake vasati vafa, akafira kunyika kwaakaberekerwa muguta reUru kunyika yevaKaradhia. Abhuramu naNahori vakawana vakadzi vavo. Zita romukadzi waAbhuramu ndiSarai, zita romukadzi waNahori richinzi Mirika mwana waHarani. Harani, vakaberekawo Isika. Asi Sarai akanga asina mbereko asina mwana. Tera akatora mwanakomana wake Abhuramu, nomuzukuru wake Roti mwanakomana waHarani, nomuroora wake Sarai, mudzimai womwana wake Abhuramu. Vose ivavo vakabva kuguta reUru munyika yevaKaradhia vakasimuka voenda kuKanani. Asi pavakasvika kuHarani vakaita musha wavo ikoko. Makore ose pamwechete aTera akagara mazana maviri amakore ana makore mashanu, ndokubva Tera azofira zvake kuHarani.

Verenga chikamu Mavambo 11