Mwari akasika munhu akamufananidza naiye pachake, akavasika vari munhurume nomunhukadzi. Mwari akavakomborera achiti, “Berekanai muwande, muzadze nyika, muitonge. Ivai noutongi pamusoro pehove dzomugungwa, neshiri dzedenga, nezvinhu zvose zvipenyu zvinofamba panyika.” Mwari akati, “Chionai, ndakupai zvinomera zvose zvine mhodzi dzazvo zviri panyika, nemiti inobereka michero ine mhodzi kuti zvive chokudya chenyu. Asi ndapa zvinomera zvinyoro kumhuka dzesango neshiri dzose dzedenga, nezvinokambaira nokuzvova napasi, nezvinhu zvipenyu zvose zvinofema kuti chive chokudya chazvo,” zvikabva zvaita saizvozvo. Mwari akatarisa zvose zvaakanga aita, onei zvakanaka kwazvo. Kwakasviba kukaedza, iri rakava zuva rechitanhatu.
Verenga chikamu Mavambo 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mavambo 1:27-31
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo