Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 1:27-31

Genesi 1:27-31 SNA2002

Mwari akasika munhu nomufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi. Mwari akavaropafadza, Mwari akati kwavari: Berekai, muwande, muzadze nyika, mubate ushe pairi; muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika. Mwari akati: Tarirai, ndakakupai miriwo yose inobereka mbeu, iri panyika yose, nemiti yose ine michero yemiti inobereka mbeu, kuti zvive zvokudya zvenyu. Mhuka dzose dzenyika, neshiri dzose dzedenga, nezvipenyu zvose zvinokambaira panyika, zvinemweya woupenyu, ndakazvipa miriwo yose minyoro, kuti zvive zvokudya zvazvo; zvikaita saizvozvo. Mwari akaona zvose zvaakaita, onei zvakanaka kwazvo. Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva retanhatu.

Verenga chikamu Genesi 1