Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 1:1-26

Mavambo 1:1-26 SCLB

Pakutanga Mwari akasika denga napasi. Pasi pakanga pasati panyatsoumbwa, pasina chinhu. Rima rakanga rakaputira zigungwa, Mweya waMwari achidzengerera pamusoro pemvura. Mwari akati, Mwari akati, “Chiedza ngachivepo,” chiedza chikavapo. Mwari akaona kuti chiedza chakanaka. Mwari akaparadzanisa chiedza nerima. Mwari akatumidza chiedza kuti masikati, rima akariti usiku. Kwakasviba kukaedza. Iri rakava zuva rokutanga. Mwari akati, “Pakati pemvura ngapave neziendanakuenda rinokamuranisa mvura.” Mwari akabva aita ziendanakuenda riya ndokukamuranisa mvura yakanga iri pasi peziendanakuenda iroro neyaiva nechapamusoro paro, zvikabva zvaita saizvozvo. Mwari akatumidza ziendanakuenda riya kuti denga. Kwakasviba kukaedza, iri rakava zuva rechipiri. Mwari akati, “Mvura iri pasi pedenga ngaiungane pamwechete kuti pasi pakaoma pabude pachena,” zvikabva zvaita saizvozvo. Mwari akatumidza pasi pakaoma kuti nyika. Mvura iya yakanga yaungana akaitumidza kuti makungwa. Mwari akaona kuti zvakanaka. Mwari akati, “Nyika ngaimere zvinomera zvorudzi norudzi, zvinomera zvine mhodzi dzazvo, namarudzi emiti inobereka michero ine mhodzi panyika,” zvikabva zvaita saizvozvo. Nyika yakamera zvinomera zvorudzi norudzi, nezvinomera zvine mhodzi dzazvo, namarudzi namarudzi emiti inobereka michero ine mhodzi. Zvikabva zvaita saizvozvo. Mwari akaona kuti zvakanaka. Kwakasviba kukaedza, iri rakava zuva rechitatu. Mwari akati, “Muziendanakuenda romudenga ngamuve namavheneko okusiyanisa masikati nousiku ave okuratidza mwaka namazuva namakore. Ngaave mavheneko omuziendanakuenda romudenga kuti avhenekere nyika,” zvikabva zvaita saizvozvo. Mwari akaita mazivheneko maviri kunoti, zivheneko guru rokutonga masikati, kozoti zivheneko duku rokutonga usiku, akaitawo nyenyedzi. Mwari akazviisa muziendanakuenda romudenga kuti zvivhenekere nyika, zvichitonga masikati nousiku nokusiyanisa chiedza nerima. Mwari akaona kuti zvakanaka. Kwakasviba kukaedza, iri rakava zuva rechina. Mwari akati, “Mumvura ngamuite bvakapfaka rezvinhu zvipenyu zvinoshambira. Shiriwo ngadzibhururuke pamusoro penyika nomudenga muziendanakuenda.” Mwari akasika mhando nemhando dzamazigaranyanya omumvura nedzezvinhu zvose zvazvo zvipenyu zvinofamba, zvinoita bvakapfaka mumvura, namarudzi ose eshiri dzine mapapiro. Mwari akaona kuti zvakanaka. Mwari akazvikomborera achiti, “Berekanai muwande muzadze mvura yomumakungwa. Shiri ngadziwandewo panyika.” Kwakasviba kukaedza, iri rakava zuva rechishanu. Mwari akati, “Nyika ngaiburitse mhando nemhando dzezvinhu zvipenyu, mhando nemhando dzezvipfuwo, nedzezvinokambaira nokuzvova napasi, nedzemhuka dzesango,” zvikabva zvaita saizvozvo. Mwari akasika mhando nemhando dzemhuka dziri panyika, nemhando dzose dzezvipfuwo nedzezvinokambaira nokuzvova napasi. Mwari akaona kuti zvakanaka. Mwari akati, “Ngatiitei munhu akafanana nesu, akatodzana nesu. Ngavave noutongi hwenyika yose nohwehove dzomugungwa neshiri dzedenga nezvipfuwo nezvinokambaira nokuzvova napasi.”

Verenga chikamu Mavambo 1