Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 1:1-10

Mavambo 1:1-10 SCLB

Pakutanga Mwari akasika denga napasi. Pasi pakanga pasati panyatsoumbwa, pasina chinhu. Rima rakanga rakaputira zigungwa, Mweya waMwari achidzengerera pamusoro pemvura. Mwari akati, Mwari akati, “Chiedza ngachivepo,” chiedza chikavapo. Mwari akaona kuti chiedza chakanaka. Mwari akaparadzanisa chiedza nerima. Mwari akatumidza chiedza kuti masikati, rima akariti usiku. Kwakasviba kukaedza. Iri rakava zuva rokutanga. Mwari akati, “Pakati pemvura ngapave neziendanakuenda rinokamuranisa mvura.” Mwari akabva aita ziendanakuenda riya ndokukamuranisa mvura yakanga iri pasi peziendanakuenda iroro neyaiva nechapamusoro paro, zvikabva zvaita saizvozvo. Mwari akatumidza ziendanakuenda riya kuti denga. Kwakasviba kukaedza, iri rakava zuva rechipiri. Mwari akati, “Mvura iri pasi pedenga ngaiungane pamwechete kuti pasi pakaoma pabude pachena,” zvikabva zvaita saizvozvo. Mwari akatumidza pasi pakaoma kuti nyika. Mvura iya yakanga yaungana akaitumidza kuti makungwa. Mwari akaona kuti zvakanaka.

Verenga chikamu Mavambo 1